Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vokurudzira Kufambiswa kweNyika neNyanzvi


영국 런던 올림픽경기장에서 열린 2015 럭비 월드컵 B조 미국과 남아프리카공화국의 경기에서 미국 팬들이 미국 팀을 응원하고 있다.
영국 런던 올림픽경기장에서 열린 2015 럭비 월드컵 B조 미국과 남아프리카공화국의 경기에서 미국 팬들이 미국 팀을 응원하고 있다.
Vaimbova gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti panofanirwa kuumbwa hurumende inombofanofambisa basa pachiitwa nhaurirano dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChina, Va Biti vati Zanu PF yatadza kugadzirisa hupfumi hwenyika zvava kupa kuti veruzhinji vadye nhoko dzezvironda.

Va Biti, avo vakadzingwa semunyori mukuru mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, vati chava kudikanwa ndechekuti pawumbwe hurumende ine hunyanzvi hwekuvandudzwa kwehupfumi hwenyika yavari kudaidza kuti National Transitional and Techincal Council uku kuchiitwa nhaurirano nemapato ezvematongerwo enyika, masangano anoshanda akazvimirira pamwe neveruzhinij rwe Zimbabwe.

Va Biti vakurudzirawo kuti sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa, re SADC, pamwe ne African Union kuti apindire munyaya dzekusamira zvakanaka kwezvinhu mu Zimbabwe kuitira kuti nhaurirano idzi dzitange nekukasika.

Vatiwo chichanetsa kuti nhaurirano idzi dzitange pamwe nekuti pawumbwe NTTC iyi iwumbwe kukara masimba kwevari mu Zanu PF vavati havana hany’a nekutambura kuri kuita veruzhinji munyika.

VaBiti, avo vari kutangamira chikwata che MDC Renewal Team, vaenderera mberi vachiti sarudzo dzinofanirwa kuitwa chete kana pavandudzwa zvose zvinobata mafambisirwo esarudzo.

Mutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vaudza Studio 7 parunhare kuti zviri kutaurwa naVa Biti izvi kutaura kwevanhu vakakundwa musarudzo vari kushaya zvekuita.

VaGumbo vakurudzira veMDC Renewal Team kuti vamirire sarudza dzemuna 2018 kana vachida zvekutonga.

Va Gumbo vaenderera mberi vachiti hurumende ye Zanu PF iri mubishi kuita zvayakavimbisa vanhu payaitsvaga rutsgiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.

Vatiwo chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Socio Economic Transformation, kana kuti Zimasset, icho chakaparurwa nehurumende ndicho chichaita kuti hupfumi hwenyika husimukire kana chikazadziswa.

Asi Va Biti vati chirongwa che Zimasset ichi hachina zvachinacho zvinoita kuti hupfumi hwenyika husimukire vachiti chirongwa ichi ndicho chakanyanyoipisisa pazvirongwa zvese zvekuvandudzwa kwehupfumi hwenyika zvakaparurwa nehurumende kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980.

Panyaya yekuti ve SADC ne AU vadzoke mu Zimbabwe kuzobatsira kuti paitwe nhaurirano, Va Gumbo vati hapana chaitika munyika chingakonzere kuti masangano aya auye mu Zimbabwe kuzoyananisa.
XS
SM
MD
LG