Accessibility links

Breaking News

Mudzidzi paUZ Osungirwa Kukumbira Zvombo Kuna Baba Jukwa


Mumwe mudzidzi wepa University of Zimbabwe amiswa pamberi pedare neChitatu achipomerwa mhosva yekuita zvisina maturo zvingangokonzera nyonganyonga munyika mushure mekunge anyorera Baba Jukwa tsambambombozha achikumbira zvombo zvehondo.

Izvi zvinotevera kusungwa kwemupepeti webepanhau re Sunday Mail, Va Edmund Kudzayi, avo vari kupomerwa mhosva yekushandisa peji repadandemutande pa Facebook vachinzi vaironga zvekupidigura hurumende.

Va Romeo Musemburi vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuita zvisina maturo kana kuti criminal nuisance mushure mekunzi vakakumbira pfuti dzehondo kuna Baba Jukwa.

Muchuchisi panyaya iyi, Va Michael Reza, vati Va Musemburi, avo vane makore makumi maviri ekuberekwa, uye vari zvakare mudzidzi wezvidzidzo zvehupfumi pa University of Zimbabwe, vakanyora tsambambozha kuna Baba Jukwa vachiti vanoda pfuti dzekuti vagopinda mumigwagwa vachirwira hutongi hwejekerere munyika.

Mutongi wedare, Va Vakayi Chikwekwe, vati Va Musemburi, avo vanga vakamiririrwa naVa Tonderai Bhatasara, vadzoke kudare musi wa 16 Chukunguru.

Va Chikwekwe vati nyaya yakatarisana naVa Musemburi yakakura kwazvo nokudaro vati musungwa asvitse chikumbiro kudare repamusoro kana achida kutongwa achibva kumba kwake.

Va Musemburi vave munhu wechitatu kuvharirwa mutirongo nenyaya yaBaba Jukwa zvichitevera kusungwa kwakaitwa VaKudzayi nemukoma wavo Phillip.

Hurumende inoti Va Edmund Kudzayi nemukoma wavo vaironga zvekupidigura hurumende vachishandisa peji repadandemutande pa Facebook rinozivikanzwa nezita remadunhurirwa rekuti Baba Jukwa.

Hurumende inotiwo vaviri ava vakashambadzira mashoko anosvibisa zita rayo pamwe nekuzvidza mutungamiri wenyika Va Robert Mugabe.

Asi Va Kudzayi nemukoma wavo vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi.

Zvichakadai, chikumbiro chaVa Edmund Kudzayi chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo chakatarisirwa kunzwikwa neChina muHarare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG