Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Bhajeti reMabhiriyoni Mana eMadhora


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaparura bhajeti regore rinouya remabhiriyoni mana emadhora uye vati vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitanhatu nechidimbu kubva muzana.

Vachitaura pakuparurwa kwebhajeti iri muparamende, VaChinamasa vati mari iyi ishoma pane mabhiriyoni masere emadhora aidiwa nemapazi ehurumende.

Vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka nekuti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemubhajeti iri zvichaenda kumihoro yevashandi vehurumende izvo zvinoita kuti hurumende isare isina mari yekuita mabasa ebudiriro.

Vatiwo nyika ichakatarisana nematambidziko akawanda akaita sekushaikwa kwemari, kusashanda kwemaindasitiri, nzara, kushomeka kwemari inobva kunze, zvikwereti, kusashanda zvakanaka kwemabhanga pamwe nekusajeka kwemutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema vemuno.

Senzira yekugadzirisa hupfumi hwenyika, VaChinamasa vati hurumende yakazvipira kutaurirana nevanopa zvikwereti kuitira kuti igadzirise nyaya dzayo dzezvikwereti.

Vatiwo nyika icharamba ichishandisa mari yekunze kudzamara hupfumi hwamira zvakanaka.

Senzira yekugadzirisa mamiriro izvinhu mumabhanga, VaChinamasa vati hurumende ichatora zvikwereti zvebhanga guru munyika uye ichapa bhanga iri mari inodarika mamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhora kuitira kuti ikwanise kuita basa raro rekutsigira mamwe mabhanga munyika.

Vatiwo vakawana zana remamiriyoni emadhora kubva kuAfricaExim Bank ekubatsira kuti mabhanga emuno awane mari.

Vazivisawo kuti vaisa parutivi makumi maviri emamiriyoni emadhora yekupa vanhu nemakambani vane mari dzavo dzakatsakatikira mumabhanga apo nyika yakatanga kushandisa mari yekunze.

Kunyange hazvo vati mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema vemuno uri kuvhiringidza mabasa ehupfumi, VaChinamasa vati ucharamba uripo vakati makambani ekunze ane mighodhi muno akaita seMimosa, Zimplats neUnki anofanira kuetevedza mutemo uyu sezvakaita mamwe makambi ekunze.

Vati nekuda kwekusajeka panyaya yekucherwa nekutengeswa kwemangoda ekwaMarange, ivo negurukota rinoona nezvizvicherwa vakanzi nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vaongorore machererwo nematengeserwo ari kuitwa mangoda nemakambani masere ari kwaMarange.

Vazivisawo kuti Zimbabwe yakatengesa mangoda ayo kuBelgium nezuro uye inogona kuita rimwe bhajeti kana kuti supplementary budget zvichienderana nekuti vanenge vawana marii pakutengwa kwemangoda aya.

VaChinamasa vatiwo zvirango zvehupfumi zviri kuvhiringa hupfumi hwenyika uye zvinofanira kubvisa.

VaChinamasa vabvisa mitero kana kuti duty pane michina nezvinhu zvinoshandiswa nevamaindasitiri nemafakitori senzira yekusimudzira mabhizimisi emuno.

Vatiwo Zimbabwe iri kutenga zvinhu zvakawanda kunze kana zvichienderana nezvainotengesa kunze kwenyika.

Vatiwo hurumende yakazvipira kupa vashandi vayo mari inoenderana inoita kuti munhu akwanise kurarama kana kuti poverty datum line asi vakati izvi zvichaitwa muchidimhu chidimbu zvichienderana nekuwanikwa kwemari.

Vati kunze kwemari hurumende ichapawo vashandi vayo zvimwe zvinoita kuti vagare vakafara zvakaita sedzimba nezvimwe.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG