Accessibility links

Breaking News

Vagari muGweru Vofarira Kuuya kweNhepfenyuro yeDunhu Iri


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Vamwe vagari vemumadhorobha eGweru neZvishavane vanoti vari kufara nehurongwa hweBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, hwekuda kupa marezinezi kunhepfenyuro dzakazvimirira dzega kuti dzitepfenyure dziri munzvimbo mbiri idzi.

Vagari ava vanoti kuuya kwenhepfenyuro inenge yakazvimirira yega kunogona kubatsira kuunza mabasa pamwe nebudiriro.

Vanhu ava vange vachitaura mushure mekunge veBAZ pamwe neveruzhinji vanzwa kubva kukambani yeAfrican Business Communications iyo iri kuda kupiwa rezenisi rekutanga nhepfenyuro inenge ichiziikanwa kunzi Faya FM.

Kanzura weguta reGweru, VaKenneth Sithole, vanoti chingave chinhu chakanaka kuve nenhepfenyuro muguta reGweru.

Asi vanoti nhepfenyuro yakadai haifanirwe kuzoshandiswa kurwisanisa vanhu kana kuita kuti vanhu varase hunhu hwavo.

Mumwewo mugari uyo angozvidoma nezita rekuti, Lorraine, anotiwo anofarirawo kuti guta reGweru rive nenhepfenyuro yakazvimirira yega. Asi anotiwo zvakakosha kuti vakuru vakuru venhepfenyuro iyi vawanise mabasa vagari vemuGweru.

Mukuru weAB Communications, Amai Susan Makore, vanoti nhepfenyuro yavo ikapihwa mvumo yekutepfenyura, ichange ichiita zvirongwa zvakasiyana-siyana zvinosanganisira nhau pamwe nemimhanzi.

Vanotiwo vakanyanyonangana nevanhu vechidiki vane makore ari pakati pegumi nemasere nemakumi maviri nemana.

AB Communications, iyo ine nhepfenyuro ye ZiFM, ikambani yakavambwa nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, avo vanomirira Zanu PF muparamende.

BAZ yaive mudhorobha reZvishavane neChitatu uko yakanzwawo kubva kukambani yeRay of Hope iyo iri kuda kuwana rezenisi rekuvamba nhepfenyuro ichange ichinzi Ya FM, ichishandira muZvishavane makare.

Mukuru weRay of Hope, VaMunyaradzi Hwengwere, vanoti nhepfenyuro yavo ichange ichipa zvirongwa zvakasiyana-siyana zvakanangana neveruzhinji kubva kuvakuru kusvika kuvadiki.

VaHwengwere, avo vakamboita mukuru we ZBC, munhu akashanda kwenguva yakareba vari munyori wezvemisangano yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevatori venhau.

Mumwe muimbi wechidiki anogara muZvishavane, Tapiwa Damba, anozivikanwa nerekuti Junior T, anoti anotarisira kuti kuve nenhepfenyuro mudhorobha iri kuchasimudzira vaimbi vechidiki vakaita saye.

Asi mumwe mugari wemuGweru, VaKnox Dhliwayo, vanoti havawone zvinobatsira veruzhinji zvakawanda zvinobuda pakuve nenhepfenyuro dzakazvimirira dzega. VaDhliwayo vanoti veBAZ vanofanirwa kukasika kupa marezenisi kunhepfenyuro dzematunhu, community radios, sezvo ari iwo anogona kubatsira vanhuwo zvavo munyaya dzebudiriro.

Sachigaro weBAZ, VaTafataona Mahoso, vanoti nyaya yekupa marezenisi kuma Community Radio ichiri kure sezvo pari zvino hurumende isina mari yekutenga michina inodiwa kuti nhepfenyuro idzi dzigokwanisa kushanda.

VeBAZ vari kufamba vachinzwa kubva kune makambani ari kuda kutanga nhepfenyuro dzinotepfenyura dzakazvimirira dzega mumadhorobha akasiya-siyana munyika.

VaMahoso vanoti havangakwanise kutaura kuti nhepfenuyro idzi dzichapiwa marezinesi aya riinhi sezvo chirongwa ichi chichangotanga.

Asi vakawanda vanoti hapana kuzvimirira kunganzi kuripo kana varidzi venhepfenyuro idzi, AB Communications ne Ray of Hope, vose vachizivikanwa sevanhu vane chekuita nehofisi yemutungamiri wenyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG