Accessibility links

Breaking News

VaWilliam Bango Voradzikwa kuChikomba neChishanu


VaWilliam Bango
VaWilliam Bango
Vakambenge vari mutauriri waVa Morgan Tsvangirai mu MDC, uye vaive zvakare mutori wenhau aiva nemukurumbira, Va William Tagwireyi Bango, avo vakashaya neChipiri mutsaona yemotokari, vanonzi vacharadzikwa kumusha kwavo kuChikomba nemusi weChishanu.

VaTsvangirai vanonzi ndivo vachava munyarikani pakuvigwa kwaVaBango.

Vehukama neshamwari dzaVa Bango vaswera neChitatu vachibata mawoko kumba kwemufi zvichitevera kufa kwavakaita mutsaona inonzi yakaitikira mumugwagwa unobva ku Chitungwiza uchienda ku Hwedza pedyo nezvitoro zvepa Dema Growth Point kumaruwa ekwa Seke.

Mushure metsaona iyi, Va Bango vakaendeswa kuchipatara che Chitungwiza General Hospital uko vana chiremba vachingovaona vakabva vati Va Bango vanga vatoshaya.

Vachitaura ne Studio 7 pamba pari kuchemerwa mufi, Va Conway Tutani, avo vakashanda naVa Bango kubepanhau re Herald, pamwe chete neku Daily News, vati varwadziwa zvikuru nekushayika kwakaita Va Bango. Vaenderera mberi vachiti vatori venhau vazhinji varasikirwa neruzivo rwanga rwuine mufi.

Izvi zvatsinhirwa naVa Desmond Kumbuka avo vakashandawo zvakare naVa Bango kwemakore akawanda.

Va Tutani vanoti kunyange hazvo mufi akazopinda munyaya dzezvematongerwo enyika, nyaya dzekunyora dzakaramba dziri maari sezvo vachiti ichi ndicho chaiva chipo chavo.

Va Kumbuka vatiwo fundo yaiva mumusoro maVaBango yakapfachukira kuvatori venhau vakawanda kubudikidza nekudzidzisa kwakamboita Va Bango zvidzidzo zvekutorwa kwenhau.

Va Bango, avo vakambove sachigaro wesangano rinomirira vatori venhau re Zimbabwe Union of Journalists, vakashanda ku Herald kwemakore akati kuti vakazoshanda ku Ziana uko vakakwidziridzwa pabasa kudzamara vava Political Editor.

Zvichitevera kupihwa chinzvimbo chepamusoro kuZiana, VaBango vakasiya chigaro chavo kuZUJ, sezvo vakanga vachisiri mushandi wepasi.

Vakazobva ku Ziana, vakanoshanda ku Africa Information Afrique, uko vaive mudzidzisi wevatori venhau, uye vachpepeta nhau dzesangano iri pamwe chete nemupepeti mukuru we AIA, VaGeoff Nyarota.

Mushure mezvo VaBango vakazoenda kuSouth Africa uko vaive muraidzi wezvekutorwa kwenhau pa Institute for the Advancement of Journalism.

Mumazuva avo vari paInstitute for the Advancement of Journalism, VaBango vaidzidzisa zvakare pa Witwatersrand University apo vaive Associate Professor.

Nekupindana kwenguva, VaBango vakadzoka kumusha vakashanda semupepeti wenhau ku Daily News uko kwavakapedzisira vave mupepeti aiwona nezvekudzidziswa basa kwevatori venhau pakambani yebepanhau iri.

Panguva yavaiva mutori wenhau, VaBango vakapihwa mibayiro yakawanda zvikuru.

Va Bango ndivo vakava mutauriri waVa Tsvangirai wekutanga kubva muna 2002 kusvika muna 2008.

Vakazosiya basa iri vave kunokwikwidza semumiriri weChikomba East mudare reparamende vakamirira MDC, asi vakakundwa nemavhoti ari pasi pemakumi matatu nenhengo yeZanu PF musarudzo yainge isina kuchena.

Va Bango ndivo vakanyora bhuku raVa Tsvangirai rinemukurumbira rinonzi "At the Deep End" rinotaura nezve kushungurudzwa kwakaitwa Va Tsvangirai nevamwe vavo panyaya yavo yekurwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

VaBango vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro munyaya dzekutorwa kwenhau pa Cardiff University, Wales kuUnited Kingdom kuma 1980. Pavakapedza zvidzidzo zvavo, vakadzokera kumusha kunoshanda semutori wenhau.

Muna Chikunguru 2008, VaBango vakaenda kunoita zvakare zvidzidzo zvepamusoro soro ku Kennedy School of Governance pa Harvard University, Cambridge, USA, vakapihwa chitupa chavo muna 2009.

Va Bango vaivepowo zvakare pakarohwa Va Tsvangirai nevamwe vatungamiriri muna 2007 ku Highfields pamusangano wakange warongwa ne Save Zimbabwe Campaign wekunamatira runyararo munyika.

Mashoko aburitswa neMDC-T anoti VaBango, avo vashaya vava nemakore makumi mashanu nemashanu ekuberekwa, vakakuvara zvakaipisisa kubudikidza nekurohwa uku uye vasvika pakushaya vachirwadziwa.

Va Bango, avo vaiwanzoshevedzwa nemutupo wekuti "Nungu", vasiya mudzimai Charity Bango, kanzura we Marlborough mukanzuru ye Harare pamwe nevana vana nevazukuru.

Mutumbi waVa Bango uchatakurwa neChina kuenda kumusha kwavo uko vachanoradzikwa nemusi weChishanu.
XS
SM
MD
LG