Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yozeya neChipiri Nyaya yeVanotengesera Mukati Meguta


Vanotengesera mumigwagwa
Vanotengesera mumigwagwa

Vanotengesera mumigwagwa yemukati medhorobha reHarare vanoti neMuvhuro zvinhu zvanga zvakangogadzikana semazuva ose, kunyange hazvo zuva rakanga ratarwa nehurumende rekuti vange vabuda mukati meguta rakadarika neChishanu chapfuura.

Mukuru werimwe sangano revanotengesa ava, reNational Vendors’ Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti ivo nenhengo dzavo havana dambudziko rekuti vabude mukati meguta.

Asi vanoti vanoda kuti zviitwe nenzira yakajeka inogutsa vanhu vose.

VaWadzayi vanotiwo havasi kutambira hurongwa hwekanzuru yeHarare hwekushandisa vamwe vanhu vanozivikanwa kuti vane chekuita nenzvimbo dzekutengesera, kana kuti land barons, kunyoresa vanoda kuwana pekutengesera pamwe nekuunganidza mari inonzi inozoendeswa kukanzuru.

Kanzuru yakazivisa kuti ichabatsirwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police kubvisa vanhu mumigwagwa kana vakasabva paipera nguva yakatarwa. Asi hapana zvati zvaitika.

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vachataura nezvenyaya iyi neChipiri vapedza musangano wekanzuru yavo, uyo vati uchazeya nyaya iyi.

Ukuwo gurukota rezvemabhizimusi madiki neepakati, Amai Sithembiso Nyoni, vaudzawo Studio 7 kuti hurumende ichatanga yapedza hurongwa hwekuona kuti vanhu ava vangaiswa papi pekuti vashandire, rozoti rotarisa zvekuti vabviswe munzvimbo dzavari kushandira iye zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG