Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Democracy Institute Inoti ZEC Ngaivandudzwe


Sangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rashora zvikuru mapato anopikisa nemasangano akazvimirira nekurara nezamu mukanwa vachitadza kuratidzira zvakasimba kuitira kuti sangano rinoona nezvesarudzo, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rivandudzwe.

ZDI inoti ZEC yakazara nevasori kana vanhu vaishanda muhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kushanda neZanu-PF kubiridzira sarudzo.

Mukuru weZDI, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zvakaitika kuHurungwe West zvekuti VaKeith Guzah vakanzi ndivo vakunda musarudzo kunyange vasina kunyoresa zvakakwana munongedzo wekuti kana muna 2018 sarudzi dzichaita mutauro pakasavandudzwa zvinhu.

ZEC iri kushorwa zvakanyanyaya nemamwe magweta uye mapato anopikisa nemabatirwo esarudzo dzema by-elections. Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau. Asi VaRuhanya vanoti zvakaitwa neZEC kuHurungwe West zvinonyadzisa uye vati sangano iri rinofanira kuvandudzwa.

XS
SM
MD
LG