Accessibility links

Breaking News

SADC Summit Yoshorerwa Kusakoshesa Dambudziko reMhirizhonga Iri muSouth Africa


VaMugabe naVaZuma
VaMugabe naVaZuma

Vatungamiri venyika dzekuchamhembe kwe Africa vari kupinda muZimbabwe kutanga neMuvhuro kuitira kuti vapinde mumusangano wechimbi chimbi weSADDC Extraordinary Summit uri kuitirwa muHarare.

Kunyange hazvo musangano uyu uri wechimbi chimbi, uri kuzeya nyaya yekusimbaradzwa kwemaindasitiri enyika dzemu SADC chete, usingaise pamusoro mhirizhonga iri kuitika mu South Africa.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari kushora zvikuru vatungamiri veSADC ava vachiti havasi kukoshesa matambudziko ari kukonzerwa nemhirizhonga iri kuitika muSouth Africa uko zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvemuAfrica zviri kurwiswa kana kuurayiwa nezvemuSouth Africa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika ava vanoda kuti kudeuka ropa kuri kuitika mu South Africa kuve imwe yenyaya huru inofanirwa kutaurwa nezvayo pamusangano uyu.

Musangano wemazuva mashanu uyu wakatanga neMugovera uye kwange kuchisangana makurukota ezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Vachitaura pakuparurwa kwemusangano uyu, munyori mukuru weSADC, Dr Stergomena Lawrence Tax, vati panofanirwa kutorwa gwara rekutevedza panyaya yemaindasitiri.

Mashoko aVa Tax anotevera kurudziro yemusangano wemakurukota ezvegwara rehupfumi emuSADC.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanova sachigaro weSADC, vapinda munyika vachibva ku Indonesia kumusangano weAsia-Africa Summit.

Munyori mubazi rezve kudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti zviri kuvatungamiri venyika kuti vazeye nyaya yemhirizhonga iri muSouth Africa.

Hurukuro naVaJoey Bimha
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachikokera mabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa, VaJoy Mabenge, vanoti hakuna nyaya dzehupfumi dzinobudirira kana paine mhirizhnga seiri kuitika muSouth Africa. VaMabenge vanoti vatungamiri venyika dzemu SADC vanofanirwa kuona kuisa pamusoro nyaya yemhirizhonga kuitira kuti ipihwe chiremera painenge yokurukurwa.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Apo vezvematongerwo enyika vakaisa maziso avo kumusangano weSADC wechimbi chimbi uyu, sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti misangano yakadai ndeyekungopedza nguva sezvo pasina chinotaurwa chinozadzikiswa nevatungamiri venyika dziri kuchamhembe kwe africa.

ZCTU inoti vatungamiri veSADC dai vaida kuita zvine musoro, vangadai vakaisa nyaya yemhirizhonga iri mu South Africa senhaurwa yepamusoro soro kuitira kuti ikurukurwe pobuda zvisungo zvinotorwa nenyika idzi.

Sangano iri rinoti VaMugabe vanofanira kubvunzwa nevamwe vavo kuti murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa mwedzi wapera, varipi.

XS
SM
MD
LG