Accessibility links

Breaking News

VaMutasa Vanobvuma Kutongwa neKomiti yeZanu-PF


VaDidymus Mutasa
VaDidymus Mutasa

Nyaya yekusawirirana mubato reZanu-PF yatanga zvakare mushure mekudzoka munyika kwemudzimai wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe.

Kudzoka kwavo nesvondo kwava kureva kuti vaive murongi wemabasa mubato, VaDidymus Mutasa, vanenge votongwa nekomiti yakaumbwa iri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko. VaMutasa vaudza Studio 7 kuti vachaenda kudare iri.

Hurukuro naVaDidymus Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vari mukomiti iyi vanosanganisira Amai Mugabe semutungamiri weWomens League, vanoona nezvemabasa ematongwerwo enyika mubato, VaSaviour Kasukuwere, munyori wezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, munyori wevechidiki, VaPupurai Togarepi, uye nhengo yePolitburo, VaKembo Mohadi.

Mutauriri webato, VaSimon Khaya Moyo, vakazivisa svondo rapera kuti kutongwa kwaVaMutasa kunotanga chete kana Amai Mugabe vadzoka kubva kunyika dzekumawirira.

XS
SM
MD
LG