Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vofa Munjodzi dzeMumigwagwa


Zimbabwe Police Accident
Zimbabwe Police Accident

Mutauriri wemapurisa, Chief Supritendent Paul Nyathi, vanoti vanhu makumi mana nevasere vashaya kubva musi wa 15 Zvita kusvika pari zvino munjodzi dzemumigwagwa.

Masvingo ndiyo inonzi ine vanhu vakawandisa vashaya munjodzi dzemumugwagwa vanove gumi nevana. Kune vamwe vanonzi vashaya vakawanda kuMatabeleland South neMidilands.

Mapurisa anoti pane njodzi mazana manomwe negumi nemasere dzitika pari zvino zvichienzaniswa nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe.

Vanhu vakuwara gore rino vanosvika mazana mashanu zvichienzaniswa nemazana maviri nemakumi matanhatu nevana gore rapera.

Mapurisa anoti kusatyaira zvakanaka ndiko kwopa kuti njodzi dzirambe dzichiwanda.

XS
SM
MD
LG