Accessibility links

Breaking News

Zambia Yokumbira Britain Kuti Ibvise Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe


President Robert Mugabe inspects guard of honor during opening of first session of the eighth Parliament of Zimbabwe, Harare, Sept. 17, 2013.
President Robert Mugabe inspects guard of honor during opening of first session of the eighth Parliament of Zimbabwe, Harare, Sept. 17, 2013.

Gurukota rinoona nezvehupfumi kuZambia VaAlexander Chikwanda neChishanu vakumbira britain kuti ibvise zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe neBritain.

VaAlexander vaita chikumbiro ichi kugurukota rinoona nezvebudiriro mubritain vajustine greening pamusangano wavaita mulusaka nhasi.

VaChikwanda vati zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa dunhu rose rekuchamhembe kweAfrica. Vati matambudziko eZimbabwe ari kuguma asvikawo kunyika yavo.

Nyika dzemusangano reEuropean Union dzakatemera Zimbabwe zvirango muna 2002 ichiipomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti zvirango izvi zvakatemerwa nyika nekuti yainge yatora minda kubva kuvarimi vachena.

XS
SM
MD
LG