Accessibility links

Breaking News

Liverpool Yotungamira muBarclays Premier League


Vanhu vanotevera nhabvu yepamusoro muBritain vanoti maziso evazhinji ava kutarisa pachikwata cheLiverpool kuti chinogona kutora mukombe weBarclays Premiership gore rino.

Panguva iyo nhabvu muZimbabwe ichiri kutanga, chikwata cheLiverpool chatarisana nemukombe weBarclays Premier League mushure mekuwedzera mapoinzi iri pamusoro peChelsea kusvika pamashanu kwasara mitambo mitatu kuti nhabvu ipere.

Liverpool, iyo yakambotambirwa nechizvarwa cheZimbabwe, Bruce Grobler, yave nemaponzi makumi masere, iyo Chelsea yacho, iine mapoinzi makumi manomwe nemashanu.

Asi zvikwata zviviri izvi zviri kusangana mumutambo wakaoma mukupera kwesvondo rino apo Chelsea ichange ichishanya kuAnfield.

Kunze kwemutambo weChelsea, Liverpool ichaenda kuCrystal Palace ichizopedza iri pamusha neNewcastle asi mitambo iyi ingangoshaya basa kana Liverpool ikadambura Chelsea.

Asi murairidzi we Arsenal, Arsene Wenger, anoti Liverpool yaive ine mukana wakasimba wekutora mukombe uyu sezvo yaive isingatambe muChampions League nemuEuropa League umo maitamba zvimwe zvikwata zvayaikwikwidza nazvo.

Arsenal yacho iri pachinhanho chechina icho iri kurwira neEverton kuti ikwanise kuzokwikwidza zvekare muChampions League gore rinouya.

Arsenal, iyo ine mapoinzi makumi manomwe, iri pamusoro peEverton nepoindi imwe chete.

Manchester City ndiyo iri pachinzvimbo chechipiri nemapoinzi makumi manomwe nerimwe chete asi chikwata ichi chichiri nemitambo miviri yachisati chatamba kusanganisiramutambo neWest Bromwich Albion weMuvhuro manheru.

Asi chikwata chinoteverwa nechaunga cheManchester United, icho chine mukombe uyu, chasara zvikuru mushure mekurohwa neEverton 2-0 zvekuti chingangotadza kupinda muEuropa League gore rinouya.

Chikwata ichi chiri pachinhanho chechinomwe nemapoinzi makumi mashanu nemanomwe.

Nhabvu yemuBarclays Premier League pamwe neyeLa Liga yekuSpain inoteverwa nevanhu vakawanda muZimbabwe zvekuti vamwe vanotoziva zvakawanda nezvenhabvu yekunze pane yavo yemuZimbabwe
XS
SM
MD
LG