Accessibility links

Breaking News

Kereke yeAnglican Yotanga Kuvaka Chikoro Chedzidzo Yepamusoro


Anglican Archbishop Chad Gandiya
Anglican Archbishop Chad Gandiya

Kereke yeAnglican Diocese of Harare, iri pasi pe Church of the Province of Central Africa (CPCA), yakatanga chirongwa chekuvaka chikoro chedzidzo yepamuro kuMarondera mudunhu reMashonaland East.

Kereke iyi yakatambudzwa kwemakore mashanu nenhengo dzemumwe aimbova mutungamiri VaNorbert Kunonga vachibatsirwa nenhengo dzemapurisa, vasori, pamwe nenhengo dzeZanu PF.

Vachitaura pachita chevanhu svondo rapera kuMarondera, mukuru wekereke iyi muZimbabwe, Archbishop Chad Gandiya, avo vanodaidza nguva yekushungurudzwa kwavo naVaKunonga senguva yehuranda, vanoti vakabuda munguva iyi nhengo dzakura pamweya, vawedzera kuwanda uye vave nehushingi hwakanyanya.

"Isu neklubuda kwatakaita mu exile vanhu vedu vakabuda vaine shungu yekuita zvinhu zvavo saka apa zvaburikidzwa nekuvakwa kwe university iyi," vakadaro VaGandiya.

Archbishop Gandiya vanoti izvi zvakavapa pfungwa nekuzvipira kuvaka chikoro chepamusoro icho chingangoda mari inopfuura mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora.

Archbishop Gandiya vanoti izvi hazvisi nyore sezvo ivo vaine zvekwereti zvakawanda zvavakawana zviripo muzvivakwa zvavo zvainge zvakatorwa nenhengo dzavakunonga.

"Chichiri kutiwomera zvikwereti zvatakasiyirwa zve City Council asi ma repairs mazhinji kune zvivakwa zvedu akaitwa. Zvikwereti izvi ndizvo zvichi kutinetsa."

Mashoko a Archbishop Gandiya anotsigirwa nemukuru wekereke mudunhu reCentral Africa Reverend Albert Chama avo vanoti kuvaka kunoda kushinga.

VaChama vanoti nhengo dzekereke yeAnglican dzinofanirwa kushinga sezvadzakaita munguva yadzaitambudzwa kuti dzipedze basa radzatanga.

Nhengo dzevechidiki dzekereke dzinokurudzira nhengo dzose kusanganisira vakuru kuti vasunge dzisimbe sezvo basa rekuvaka richida kuzvipira kukuru.

Kunyange hazvo makurukota ehurumende, ayo ainge akakokwa asina kuuya, Archbishop Gandiya vanoti vanotenda kuti vakabatikana zvechokwadi sezvo vave nehukama hwakanaka nehurumende iyo yakavapa nzvimbo yavari kuvakira chikoro chavo.

Meya veguta reMarondera Va Councillor Anthony Makwindi vanoti vanotambira kuvakwa kwechikoro chepamusoro mutaundi yavo sezvo zvichaita kuti guta ravo riwane chiremera chepamusoro cheguta guru kudarika zvariri pari zvino.

Chikoro chiri kuvakwa chepamusoro chekereke yeAnglican chichange chichidzidzisa zvinhu zvakawanda zvine chekuita nehutano, kudya kunovaka muviri,zvemabhizinisi pamwe nezvenharaunda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG