Chipiri, Chikunguru 07, 2015 Local time: 21:45

Nhau / Kodzero-dzevanhu

VaZuma Votungamirira ANC kweMamwe Makore Mashanu

Cyril Ramaphosa (L) Jacob Zuma (R)Cyril Ramaphosa (L) Jacob Zuma (R)
x
Cyril Ramaphosa (L) Jacob Zuma (R)
Cyril Ramaphosa (L) Jacob Zuma (R)
Blessing Zulu
Mutungamiri we African National Congress, ANC, VaJacob Zuma, vasarudzwa zvakare neChipiri kuti vatungamire bato ravo kwemamwe makore mashanu.

Kusarudzwa kwaVaZuma, avo vanova zvakare mutungamiri weSouth Africa, kunoreva kuti vanenge votarisirwa zvakare kumirira bato iri musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2014.

VaZuma vakasarudzwa semutungamiri wenyika muna 2009, mushure mekunge vasarudzwa kutungamira ANC muna 2007.

VaZuma, avo vave nemakore makumi manomwe, vanga vachikwikwidzwa nemutevedzeri wavo, VaKgalema Monthlante, musarudzo yapindwa nenhengo dze ANC dzinodarika zviuru zvina kuMangaung, Bloemfontein.

VaZuma vawana mavhoti anodarika zviuru zviviri nemazana mapfumbamwe, ukuwo VaMonthlante vakawana mavhoti ari pasi pechiuru.

Muzvinabhizinesi ane mukurumbira mu South Africa, VaCyril Ramaphosa, ndivo vasarudzwa kuva mutevedzeri waVaZuma. VaGwede Manthashe vadzorwa semunyori mukuru webato, vachitevedzerwa naMuzvare Jessie Duarte.

Sachigaro webato, Amai Baleka Mbete, vadzoserwa sasachigaro webato, ukuwo  VaZweli Mkize ndivo ndivo varudzwa kuva mubati wehomwe zvbichitevera kukunda kwavaita VaPaul Mashatile vedunhu reGauteng.

Vanhu vakawanda muZimbabwe vange vakamirira kunzwa zviri kubva kuSouth Africa sezvo VaZuma, kuburikidza nenyika yavo, vari ivo mutongi gava panyaya yeZimbabwe, chidanho chavakatora kubva kune vaimbova mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki. 

VaMbeki ndivo vakave mutongi gava weZimbabwe kusvika panyoreranwa chibvumirano cheGlobal Political Agreement muna gunyana 2008.  

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo, uye vari maneja musangano reInstitute for a Democratic alternative Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti zvinofadza kuti VaZuma vabudirira sezvo zvichireva kuti vanoonderera mberi nekuyedza kugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
Hurukuro naVaJoy Mabengei
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa- July 7, 2015

Nigeria: Boko Haram insurgents carry out twin bomb blasts in the city of Jos killing 44 people. Onai zvimwe

Vamwe Vanotengesera Mukati meGuta Vave Kwakatarwa neKanzuru yeHarare?

Kanzuru yeHarare, iyo iri kukurudzira vose vanotengesera mumigwagwa yemuguta iri kuti vachitanga kuenda kunzvimbo dzakasarudzwa kuti vachitengesera, inoti vamwe vatotanga kutambira nzvimbo itsva idzi Onai zvimwe

VaMugabe Vanoita VaJonathan Moyo Gurukota reDzidzo yePamusoro

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakavandudza zvishoma dare ravo remakurukota vachibvisa VaJonathan Moyo kubazi rezvekuburitswa kwemashoko, vachivaita gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro. Onai zvimwe

Vakawanda Vofarira Kubudirira kweZimbabwe Warriors

Izvi zvinotevera mangange 0-0 akaita chikwata ichi neComoros, Zimbabwe ndokubudirira sezvo yakakunda Comoros 2-0 iri pamba. Onai zvimwe

Nyanduri Ane Mukurumbira, Freedom Nyamubaya, Anoshaya muChinhoyi

Aimbove murwiri werusununguko uyezve vari munyori ane mukurumbira munyika, Freedom Nyamubaya, akashaya neSvondo kuchipatara chemuChinhoyi. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook