Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaObama Inoti Zvirango Zvicharamba Zviripo


VaBarack Obama
VaBarack Obama
Hurumende yeAmerica yaramba zvachose kutambira kurudziro yenyika dzekuchamhembe kweAfrica, SADC, yekuti ibvise zvirango zvayakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo mu Zanu PF.

Mutauriri webazi rinoona nezvekunze muhurumende yaVaBarack Obama, Amai Jen Psaki, vanoti America haisi kuzobvisa zvirango kana zvimhingamupinyi munyaya dzesarudzo zvikaramba zviripo.

America inotiwo, semaonero ayo, sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa nenzira kwayo, uye zvirango zvichabviswa chete kana vakatemerwa zvirango ava vakaratidza kuti vanotevedzera mitemo yenyika.

Mashoko eUnited States anotevera chisungo chakabuda nevatungamiri veSADC kumusangano wepagore wenyika idzi kuMalawi, wekuti nyika dzose dzakatemera zvirango VaMugabe nevamwe vavo, dzibvise zvirango izvi. Nyika dzemuSADC dzinoti sarudzo dzemuZimbabwe dzakaitwa zviri pachena.

Asi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti sarudzo idzi dzakabiridzirwa naVaMugabe neZanu PF yavo. Bato iri rinotiwo harisi kuzocherechedza kusarudzwa kwaVaMugabe pamwe nekukunda kwebato ravo nekuti sarudzo idzi dzakaitwa nenzira isiri kwayo.

Kunyange hazvo SADC ne African Union dzakati sarudzo dzemuZimbabwe dzakaitwa zviri pachena, masangano emuZimbabwe, achishanda ari pasi peZimbabwe Election Support Network, ZESN, anoti sarudzo idzi dzaive dzine zvimhingamupinyi zvinopa kuti dzisave dzakachena.

ZESN yakatumidzira vaongorori vanodarika zviuru zvinomwe kunoongorora mafambiro ayiita sarudzo ikabuda negwaro rairatidza kuti sarudzo idzi hadzina kufamba nemazvo.
XS
SM
MD
LG