Wednesday, September 17, 2014 Local time: 13:32

Nhau / Africa

America Inoti Zvirango Zvichabviswa Kana Sarudzo Dzikaitwa Murunyararo

x
Irwin Chifera
America inoti iri kushushikana zvikuru nemaitiro evamwe muhurumende yemubatanidzwa vari kuda kudzorera Zimbabwe kumashure zvikuru sei mapurisa. America yatiwo zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muZimbabwe zvichabviswa chete kana munyika mukaitwa sarudzo dzakachena.

Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wemunyori anoona nezvekuchamhembe kweAfrica mubazi re Bureau of African Affairs mu America, VaReuben Brigety, pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezvehutongo hwejechetere, Amai Karen Hanrahan, avo vari kushanya munyika.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weAmerica mushure mekuita misangano yakawanda nevakuru vemapato ezvematongerwo enyika, vakuru muhurumende pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, Amai Hanrahan vati zvinosuwisa kuti pane vamwe vari kutyityidzira vamwe, kukonzera mhirizhonga pamwe nekuti munyika musagadzikane.

Vati mapurisa ari kuratidzawo pachena kuti vari kushungurudza vemasangano akazvimirira uye ari kuratidza pachena kuti anoita basa rawo akarerekera kune rimwe bato rezvematongerwo enyika.

Vatiwo pane humbowo hunoratidzawo kuti  masoja akatoendeswa kumaruwa kuti andotsvaga rutsigiro rwerimwe bato pamwe nekutyityidzira veruzhinji.

Vati vanotarisira kuti vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vachagadzirisa zvese izvi kutira kuti vanhu vakwanise kuvhota vasingashungurudzwi.

Panyaya yekuti divi reZanu PF muhurumende riri kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango hadzisi kuzokokwa kuzoongorora sarudzo, VaBrigety vatiwo izvi hazvina zvazvinobatsira.

Vati  Zimbabwe inobatsirikana chose kana sarudzo dzayo dzikachenurwa nenyika dzepasi rose pamwe nemasangano anobva munyika dzakasiyana siyana.
Zvichakadaro, VaBrigety vati gore rino Zimbabwe ine mukana mukuru wekuunza shanduko nebudiriro sezvakatika muna 1980.

Asi vaviri ava vati kana Zimbabwe ikasaita sarudzo dzakachena, America ichatora matanho anoenderana nezvinenge zvaitika uye zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvichabviswa chete kana  pakave nesarudzo dzakejeka.

VaBrigety naAmai Hanrahan vakauya kuZimbabwe pasi pechirongwa chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, chekunatsurudza hukama pakati peAmerica neZimbabwe.

You May Like

Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola

Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola. Onai zvimwe

Hurumende Yoparura Chirongwa Chekudzivirira Vanasikana Chirwere cheGomarara

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti riri kutambira nemufaro chirongwa che hurumende chakaparurwa nezuro chekubaya vanasikana vane makore gumi nhomba yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Apex Council Yozeya neChitatu Matambudziko eVashandi veHurumende

Sangano rinomirira masangano ose evashandi vehurumende, reApex Council, riri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChitatu kuti rizeye zvinyunyuto nezvishuviro zviri kubata vashandi vehurumende mukushanda kwavo Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook