Friday, November 28, 2014 Local time: 12:03

Nhau / Africa

VaObama naVaRomney Vokweshana neChipiri Musarudzo yeMutungamiri weAmerica

VaMitt Romney naVaBarack ObamaVaMitt Romney naVaBarack Obama
x
VaMitt Romney naVaBarack Obama
VaMitt Romney naVaBarack Obama
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama veDemocratic Party, vari kukwikwidzana neChipiri naVa Mitt Romney veRepublican Party, musarudzo yekutsvaga mutungamiri mutsva weAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika dzinoti sarudzo yemutungamiri wenyika yegore rino haisati yamboitika munhoroondo yesarudzo dzemuAmerica.

Nyanzvi idzi dzinoti vaviri ava vari kuratidza vose kutsigirwa zvakasimba zvokuti anokunda musarudzo iyi, anogona kutadza kuwana zvigaro mazana maviri nemakumi manomwe zvinodiwa kuti agadzwe semutungamiri wenyika.

Munyika yose mune zvigaro mazana mashanu nemakumi matatu nezvisere zvematare maviri eparamende. 

Matunhu anonzi anonetsa zvakanyanya musarudzo yemutungamiri wenyika iyi matanhatu ayo ane zvigaro makumi masere nezvitatu. Matunhu aya anosanganisira Florida, Virginia, Ohio, Wisconsin, Colorado, neNew Hampshire.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti matunhu makumi mana kubva  pamatunhu makumi mashanu ari kuratidza kutsigira zvakasimba mumwe mukwikwidzi pavaviri ava, pachisara matunhu gumi ayo asiri kuzivikanwa kuti anotorwa nani.

Kunyange hazvo VaObama vari kutungamira mumatunhu akawanda mumatunhu anonetsa musarudzo dzemuAmerica, VaRomney vari kuratidzawo kuti vane vatsigiri vakawanda mumatunhu iwaya.

VaRomney vapinda neMuvhuro mu Pennsylvannia vachitsvaga rutsigiro, dunhu rinogara rakavhorera bato reDemocratic.

Pamusoro pesarudzo yemutungamiri wenyika, vanhu vemuAmerica vachange vachivhotera zvakare zvigaro mazana mana nemakumi matatu nezvishanu, 435, zvenhengo dzeparamende yepasi, kana kuti House of Representative, pamwe nezvigaro makumi matatu nezvitatu zvedare reseneti. Dare reseneti rine zvigaro zana, asi zvimwe zvacho hazvisi kuvhoterwa.

Nyanzvi idzi dzinoto bato reRepublican Party riri kutarisirwa kuva nezvigaro zvakawanda mudare reparamende yepasi, ukuwo bato reDemocratic Party riri kutarisirwa kuwedzera zvigaro zvaro mudare iri kunyange hazvo zvichange zviri pasi pezvigaro zvebato reRepublican Party.

Asi vamwe vanotiwo bato reDemocratic Party rinogonawo kutora zvigaro zvedare reparamende zvakawanda, kana pachitariswa mafungiro ari kuita veruzhinji musarudzo iyi.

Kana varume vaviri ava vakaita mangange nezvigaro mazana maviri nemakumi matanhatu nezvipfumbamwe pamunhu, mutemo wemu America unoti dare reparamende repasi ndiro rinosarudza mutungamiri wenyika, ukuwo dare reseneti richisarudzawo mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

You May Like

VaChinamasa Vanotura Bhajeti re$4,1 Billion Kuti Ritambirwe neParamende

Vachitura muparamende hurongwa hwavari kuda kuti hushandiswe pamari yehurumende gore rinouya, Chinamasa vati hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka uye bhajeti iri harina kunyanyosiyana nere gore rino. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Zanu PF Central Committee Yozeya neChishanu Kuvandudzwa kweBumbiro reBato

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti nemamiriro akaita zvinhu muZanu PF, havaoni Central Committee ichiramba kutambira zvakasungwa nePolitburo. Onai zvimwe

Nyanzvi Dzozeya Bhajeti Raturwa naVaChinamasa

Zvakabuda mubhajeti neChina zviri kuratidza kuti vanhu vakawanda munyika vari kuramba vachirasikirwa nemabasa zvopa kuti vanonge svosve nemuromo. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook