VaMugabe Vanosaina Bumbiro Idzva kuvaMutemo
Zimbabwe yatanga hupenyu hutsva neChitatu apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasaina bumbiro idzva remitemo yenyika zvichitevera kutambirwa kwarakaitwa nematare eparamende maviri svondo rapera. Izvi zvava kupa nyika mukana wekuti ichiita sarudzo pasi pebumbiro idzva. Vachitaura mushure mekusaina bumbiro iri pagungano rapindwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevatevedzeri vavo, pamwe nevamwe vakuru vakuru muhurumende, VaMugabe vakurudzira kuti sarudzo dziitwe murunyararo uye vati ivo havasi kuzobira sarudzo dzinotevera.
Zvikamu
-
Kurume 31, 2025Nhau dzeShona
-
Kurume 30, 2025Nhau dzeShona
-
Kurume 29, 2025Nhau dzeShona
-
Kurume 28, 2025Nhau dzeShona
-
Kurume 27, 2025Nhau dzeShona
-
Kurume 26, 2025Nhau dzeShona