Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzePabonde Dzokuvadza Vakawanda neZvirwere kuMasvingo


Vanhu vanopfuura zana negumi vari kubatwa zuva rega rega nezvirwere zvinokonzerwa nenyaya dzepabonde kuMasvingo.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa mukati memwedzi mitatu yapfuura iyo yakaburitsa kuti vanhu zviuru gumi vakabatwa nezvirwere izvi mukati memwedzi mitatu. Sangano re National AIDS Council rinoti Masvingo idunhu riri kuvanetsa nenyaya dzezvirwere zvepabonde.

Provincial AIDS Co-ordinator mudunhu iri, Va Evos Makoni, vanoti vanhukadzi ndivo vari kunyanyobatwa nezvirwere izvi kudarika varume. VaMakoni vanoti zvirwere zviri kunyanya kubatwa nevanhu zvinosanganisira zvirwere zvinokonzera maronda.

VaMakoni vanoti zvirwere zvinokonzera maronda ndizvo zviri kunyanyotyisa sezvo zvichikwanisa kuzowedzera kupararira kwehutachiwona hwe HIV.

VaMakoni vanoti zvimwe zvirerwe zviri kubata vanhu zvinosanganisira syphilis, chancroid ne gonorrhoea. Dzvimbo dziri kunyanyowanikwa dambudziko iri dzinosanganisira kuChiredzi nekwa Gutu.

VaMakoni vanoti zvimwe zviri kunyanyokonzeresa dambudziko iri kugara kwemuri dzakawanana dzisiri pamwe chete uye kutevedzerwa kwedzimwe nzira dzechipasichigare dzakadayi sekugarwa nhaka nezvimwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG