Accessibility links

Breaking News

ZIFA Inomisa Devon Chafa Kutamba Bhora kweMwedzi Wose


Dynamos FC
Dynamos FC
Zimbabwe Football Association, ZIFA, inoti ichamisa mutambi we Dynamos, Devon Chafa, kutamba nhabvu kwemwedzi mumwe chete sekurudziro yapihwa nesangano reFIFA.

FIFA iri kupomera mutambi uyu mhosva yekushandisa mishonga isingabvumirwe mumitambo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu ZIFA, Va Xolani Gwesela, vanoti vasangana nemutambi uyu neMuvhuro vakamuudza nezvemamiriro akaita zvinhu, uye zvazvinoreva.

Va Gwesela vanoti FIFA yati Chafa anofanirwa kuvapa humbowo hwekuti seyi mishonga isingabvumirwe iyi yakawanikwa iri muropa make?

Chafa anonzi achayedza kuti achenurwe nekuti ane mishonga yaakange achitora mukurapa kukuvara kwaakaita kusina chekuita nenhabvu.

VaGwesela vanoti muhurukuro yavaita naChafa nachiremba wake, mutambi we Zimbabwe Warriors achambonozeya chiitiko ichi nemhuri yake nevanomimirira munyaya dzenhabvu kuti awone kuti otora danho ripi.

ZIFA nechikwata che Dynamos vati vachamira nemutambi uyu mukuita zvese zvavanogona kuti achenure zita rake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG