Accessibility links

Breaking News

China Yokweretesa Harare Mari yeKugadzirisa Mabasa eMvura


Munyori wekanzuru yeHarare, VaTendai Mahachi, vazivisa kuti bhanga reku China, re Export and Import Bank, richapa kanzuru yavo mari yechikwereti chemamiriyoni zana nemakumi mana ane mazana mashanu ezviuru zvemadhora mukati memasvondo maviri anotevera.

Mari iyi ichashandiswa mukugadzirisa mishina yemvura pamwe nepombi dzekufambisa mvura.

Vachitaura mamiriro akaita nyaya dzemvura muguta kukomiti yeparamende inoona nezvematunhu, VaMahachi vati mari iyi ichabatsira zvikuru mukuona kuti vagari vemuHarare vawana mvura nguva dzose.

Vati zvirongwa zvekugadzira nzvimbo dzinochenesa mvura pamwe nedzinofambisa mvura, zvichatanga mwedzi unotevera.

Vatiwo pane chikwata chekanzuru chiri kusimuka chakananga ku China kunotenga michina nezvimwe zvinodiwa pazvirongwa izvi.

Zvirongwa izvi zvinotarisirwa kupera mukati memakore matatu anotevera.

VaMahachi vati chikwereti ichi chichabhadharwa nevagari vemuguta. Vatiwo vanofungira kuti vanhu vachange vave kubhadhara mari yemvura kana vave kuwana mvura nguva dzose.

Pari zvino vagari vazhinji vanoti havawoni chikonero chekubhadhara mvura iyo ichigara isipo nguva zhinji.

Vaenderera mberi vachiti senzira yekuwona kuti munhu wese abhadhara mvura yaanoshandisa, kanzuru ichaisa mamita paimba imwe neimwe kana fakitori izvo zvichaita kuti vagari vatenge mvura yavanoda kushandisa vasati vashandisa mvura yacho. Vatiwo muchina uyu uchadzima kana mari inenge yabhadhara munhu yapera.

Pari zvino kanzuru iri kuwana mamiriyoni mana emadhora kubva pamitero yemvura pamwedzi. Vatiwo mari inosvika mamiriyoni maviri nechidimbu chemadhora inoshandiswa mukutenga mishonga yekuchenesa mvura, ukuwo miriyoni imwe chete yemadhora ichishandiswa kubhadhara magetsi.

Asi VaMahachi vayambira kuti kunyange hazvo vakaita zvese kugadzirisa zvigayo zvavo zvemvura nemapaipi, panotodiwa madhamu eKunzvi ne Musami kuti mumhu wese akwanise kuwana mvura yakakwana uye yakachena.

Asi havana kutaura kuti madhamu aya achatangwa kuvakwa rini uye kuti mari yacho iripo here kana kuti kwete.

Munyori mubazi rezvematunhu, VaKillian Mpingo, vatsigirana naVaMahachi vachiti madhamu eKunzvi neMusami ndiwo chete anokwanisa kupedza dambudziko remvura muHarare.

Zvichikadai, paramende yatadza kuzeya mutemo wezvesarudzo sezvange zvakatarisirwa sezvo gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vasina kuunza mutemo uyu kudare sezvinodiwa nemitemo yeparamende.

Dare iri ragara kwemaminetsi gumi nemashanu ndokubva raparara.
Gurukota rezvebumbiro remutemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vati mutemo uyu hauna kuuya kudare sezvo pane kutaurirana kuri kuitwa zvichitevera chisungo chakabuda neSADC kumusangano wayo wekuMaputo, Mozambique neMugovera.

VaMatinenga vati vanotarisira kuti nyaya iyi ichapinzwa mudare neChitatu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG