Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakabviswa kwaChiadzwa Voshupika Zvinosiririsa


Local miners prospecting for diamonds in Zimbabwe's Marange fields.
Local miners prospecting for diamonds in Zimbabwe's Marange fields.
Imwe yemhuri dzakatamiswa kubva kwaChiadzwa kuri kucherwa mangonda dzichiendeswa kunogariswa patsva kuArda Transau, inoti iri kuyaura nenzara, kushaya pekugara panokodzera, uye vana havasi kuenda kuchikoro.

Mhuri yekwaKambeni inoti yakavimbiswa kuti yaizovakirwa musha mutsva nekambani inochera mangoda kwaChiadzwa yeAnjin Investments, asi hapana chati chaitwa kusvika pari zvino.

Baba vemhuri, Sekuru Philimon Johwani Kaiboni Kambeni, avo vane makore makumi masere nemapfumbamwe ekuberekwa, uye munhu anogara achirwara. Pari zvino havachakwanisi kutaura.

VaKambeni vane madzimai maviri, mukuru ari Amai Miriam Kambeni, mudiki achinzi Idah Kambeni. Madzimai aya anoti vari kushungurudzika zvakanyanya nezvavakaitirwa nekambani ye-Anjin Investments.

Amai Idah Kambeni vanoti kubva pavakatamiswa makore maviri apfuura, hapana chakazadzikiswa pane zvavainge vavimbiswa neAnjin Investments. Amai ava vanoti vakarasikirwa nemidziyo yavo pamwe nezvipfuyo.

Vanotiwo pari zvino vari kuziya nenzara, uye vana vavo vari kutambura. Amai ava vanoti vakanogogodza pamisuwo yevakuru vemuhurumende, kunyanya kwamudzviti wedunhu reMutare, VaCosmas Chiringa, kasingaperi nenyaya yedambudziko ravo, asi vanoti hapana chati chaitwa.

Mukadzi mukuru pamusha wakweKambeni, Amai Miriam Kambeni, vanotiwo chikumbiro chavo ndechekuti vavakirwe dzimba sekuvimbiswa kwavakaitwa.

Mumwe muvakidzani wemhuri iyi, uye vari sekuru vayo, VaCephas Gwayawaya, vanotiwo vanoshuvira kuti kana paine vanokwanisa kubatsira mhuri iyi, vaibatsire sezvo iri kudya nhoko dzezvironda.

VaGwayawaya vanoti kunyange hazvo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti makambani emangoda ekwaChiadzwa abatsire vanhu vekwaChiadzwa, izvi hazvisi kuitwa.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa Anjin, VaRomeo Daniel Mutsvunguma, pamwe chete naVaAmos Mukarango vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mukambani iyi.

VaChiringa, avo vaifambisa kutamiswa kwevanhu ava, havana kuwanikwa muhofisi mavo kuti vatsanangure kuti zvinhu zviri kufamba seyi. Asi mutevedzeri waVaChiringa, VaSimon Sigauke, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havana mvumo yacho.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu musangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDavid Tandiri, vanoti kodzero dzemhuri idzi dziri kutyorwa neAnjin Investments. Gweta iri rinoti mhuri idzi dzinokwanisa kuendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva kuitira kuti kambani isungirwe kuzadzikisa zvayakavimbisa.

Anjin ndeyemubatanidzwa wehurumende, yakamirirwa ne Zimbabwe Mining Development Corporation nekambani yeku China ye Anhui Foreign Economic Construction Company.

Vakuru vakuru mukambani iyi vanhu vari muchiuto nemuchipurisa, avo vanosanganisira munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika, VaMartin Rushwaya, mumwe wevakuru vakuru muZimbabwe Republic Police, VaOliver Chibage, pamwe na Brigadier Charles Tarumbwa. Masheya ehurumende mukambani iyi, anonzi muzita raVaTarumbwa.

Vanomirira kambani yekuChina muAnjin vanosanganisira VaJiang Zhaoyao naVaPeng Zheng.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, kana kuZMDC kuti tinzwe divi rayo.

Kudzimara kambani ye-anjin pamwechete nehurumende yezimbabwe dzatora matanho panyaya iyi mhuri dzakatamiswa idzi dzicharamba dzichishupika dzichirota manyakare apo dzaigara zvakanaka kwachiadzwa.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG