Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzoshoropodza Mhirizhonga


Nhengo dzeparamende dzemapato ese ari muhurumende dzashora mhirizhonga yezvematongerwo enyika dzichiti izvi zvinoratidza kuti pane vamwe vanhu vasiri kuteerera kurudziro yevatungamiriri vehurumende yekuti vanhu vagarisane murunyararo.

Nhengo idzi dzashora mhirizhonga yakakonzera kufa kwemwana wenhengo yeMDCkuheadlands, Christpowers Maisiri, neMugovera mushure mekupisirwa mumba nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF. Nhengo idzi dzashorawo kurohwa kwenhengo yeZanu PF inomirira Hurungwe East, Amai Sarah Mahoka, pakurwisana kwakaitika pakati penhengo dzeZanu PF kuMashonaland West.

Amai Mahoka vanonzi vakarohwa zvakaipisisa mukupera kwesvondo.
Vachipa pfungwa dzavo pamashoko akaturwa nemutungamiriri wenyika pakuvhurwa kwechikamu chekupedzisira cheparamende yechinomwe, mumiriri weBulawayo Central, VaEddie Cross veMDC-T, vashora zvakaitika kuHeadlands vachiti hazvina kunaka zvachose.

Mumiriri weMwenezi East, VaKudakwashe Bhasikiti, vati mhirizhonga haina kunaka uye vanhu vanofanira kuteerera mashoko emutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiriri wehurumende, Vamorgan Tsvangirai, ekuti vanhu ngavasiyane nemhirizhonga.

Mumiriri weGlen Norah, VaGift Dzirutwe veMDC-T, vatiwo zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoti vanhu vasaita mhirizhonga asi vanhu vemuhofisi mavo vachikonzera mhirizhonga.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Vati neMuvhuro chaiko vanhu vekumahofisi aVaMugabe vakavhiringa musangano wezvekushambadza bumbiro remitemo kuGlen Norah.

Dzimwe nhengo dzatiwo kana VaMugabe vachirevesa kuti havasi kuda zvemhirizhonga, vanofanira kupa mapurisa simba rekusunga vese vari kukonzera mhirizhonga sezvo vari ivo mukuru wemapurisa, mauto, vasori nemagadhijeri kana kuti Commander in Chief of the Zimbabwe Defence Forces.

Asi mumiririri weBikita South, VaJani Vharandeni veMDC-T, vati zvave kuitika zvinoratidza kuti VaMugabe havachatererwa.

Nhengo dzeparamende idzi dzatiwo mapurisa, ayo ari kutadza kusunga vanokonzera mhirizhonga, anomukira mumigwagwa achiita zvehuwori pamwe nekusunga masangano anoshanda akazvimirira nekutora marhedhiyo anoita kuti veruzhinji vanzwe nhau dzavanoda.

Zvichakadai, bato reMDC-T razivisa kuti Christpowers Maisiri acharadzikwa nechina kwadzikiti kuHeadlands. VaTsvangirai pamwe nehutungamiri hweMDC-T vanotarisirwa kuvepo pakuvigwa kwemwana uyu.
XS
SM
MD
LG