Accessibility links

Breaking News

Makurukota Okandirana Makobvu neMatete VaMugabe naVaTsvangirai Vakatarisa


Mudare remakurukota munonzi makandiranwa makobvu nematete apo mange muchizeyiwa nyaya yekupisirwa mumba kwaChristpowers Simbarashe Maisiri kuHeadlands.

Christpowers mwana waVaShephered Maisiri, mutevedzeri wemunyori anoona nezvemabasa muMDC-T kuHeadlands.

Vane ruzivo nezvaitika vanoti gurukota muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJameson Timba, vanonzi ndivo vakanda nhau yerufu rwaChristpowers mudariro vachishora zvikuru nyaya yemhirizhonga.

VaTimba vanonzi vatsigirwa nemakurukota akawanda eMDC-T kusanganisira munyori mukuru mubato iri, VaTendai Biti. Makurukota eMDC-T ange achipopotera gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaDidymus Mutasa, vanova mumiriri wenzvimbo iyi vachiti ndivo vanofamba vachikurudzira mhirizhonga.

VaMutasa vakatsamwisa nhengo dzeMDC-T nemashoko avo ekuti VaMaisiri vaive mutsigiri weZanu-PF. VaMutasa vanonzi vadyawo magaka neminzwa yawo vachiti havanei nechekuita nezverufu urwu.

Zvinonzi VaMugabe vangosara vati kanha nekukandirana makobvu nematete kwange kuchiitika pakati penhengo dzedare remakurukota.

Dare iri rinonzi ratora nguva yakareba zvikuru vanhu vachitukana nekunyombana.

Papera dare iri VaTsvangirai vanonzi vati kuna VaMugabe vaende vose kunoviga mwana uyu neChina, asi VaMugabe vati havakwanise.

MDC-T yazivisa kuti VaTsvangirai ndivo vachatungamira pakuvigwa kwaChristpowers nemusi weChina.

Mutumbi waChistpowers unonzi wange uchivhenekwa navanamazvikokota kuParirenyatwa kuitira kuti paonekwe kuti chii chakamuuraya.

Studio 7 yayedza kubata VaMutasa asi havana kudavira nhare yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaSanderson Makombe, mumwe wevakapona nepasaka reshumba apo mota yavaifamba nayo yakapiswa nevanofungidzirwa kuti vasori muna 2000, vanhu vaviri vakafa muchiitiko ichi vanoti hapana zvinobatsira kutaura kana vari kuponda vanhu vasiri kusungwa.
XS
SM
MD
LG