Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC Dzopesana Pamusoro peVachaongorora Referendamu


Kukokwa kwakaitwa masangano pamwe nenyika dzekunze neboka rinotungamira sarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuzoongorora referendamu kwakonzera kusawirirana kukuru muhurumende yemubatanidzwa.

Bato reZanu PF riri kupika kuti harizofi rakakoka nyika dzakaritemera zvirango dzakaita sedziri muEuropean Union neAmerica.

Ukuwo mapato eMDC ari maviri achiti masangano nenyika dzekunze vanofanirwa kuongorora referendamu pamwe nesarudzo sezviri mumutemo wesarudzo.

Kubva mukupera kwesvondo, ZEC yakatanga kukoka masangano pamwe nevanhu vekunze vanoda kuzoongorora kufambiswa kweferendamu.

ZEC inoti vachatambirwa ndevanomirira nyika dzekunze kana masangano ekunze uye vanyarikani vanenge vanyorera vachikumbira mvumo, pamwe nevemasangano pamwe nenyika dzekunze vanenge vakokwa negurukota rezvekunze kwenyika.

Vemasangano akazvimira munyika vanonzi vachakokwa negurukota rezvemitemo.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo harina charinonyengerera kunyika dzakaritemera zvirango, chekuti ringazodzikoka kuzoongorora sarudzo dzinenge dzichiitwa munyika.

VaGumbo vanotiwo vachagadzirisa nyaya iyi nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havasi kuzoteerera zvido zveZanu PF izvi, sezvo mutemo wesarudzo uchiburitsa pachena kuti ZEC inokwanisa kukoka chero vanoda kuongorora sarudzo munyika.

Mutauriri weMDC inotungmairwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vashorawo zvikuru zviri kudiwa neZanu PF izvi, vachiti vachaita kuti nyaya iyi ikurukurwe nezvayo mudare remakurukota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG