Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Votsigira Gwaro reBumbiro Idzva paReferendamu


Madzimai ane mukurumbira mukurwira kodzero dzevanhu akasangana neChina manheru muchirongwa chekucherechedza nhoroondo yevanhu vatema muAmerica akakurudzira vanhu kuti vatsigire gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pareferendamu ichaitwa mwedzi unouya.

Vachitaura pamusangano uyu, mumwe wevanhu vakarwira rusununguko, uye vakambotungamira bato reZimbabwe Union of Democrats, Amai Margaret Dongo, vakati zvakakosha kuti vanhu vatambire bumbiro idzva senzira yekufambisa zvinhu mberi munyika.

Amai Dongo, avo vakambenge vari nhengo yeparamende vachimirira Zanu PF vasati vava munhu anozvimirira, vakati makakatanwa ari muhurumende yemubatanidzwa anopedzwa nekuva nehurumende imwe chete, ichasarudzwa mushure mereferendamu.

Amai Dongo vakati wokunyange hazvo gwaro rebumbiro idzva riri kushorwa zvakanyanya, vanhu vanofanirwa kuziva kuti mumwe mukana wekunyora rimwe bumbiro idzva hauuye zvakare nyore nyore.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Netsai Mushonga veWomen’s Coalition of Zimbabwe, vakakurudzirawo vanhukadzi kuti vatambire gwaro iri sezvo richiremekedza kodzero dzavo kudarika riripo pari zvino.

Mukuru we Women of Zimbabwe Arise, Amai Jenni Williams, vakatiwo vanhu havafanirwe kurasikirwa nemukana uyu sezvavakaita muna 2000.

Amai Williams vakatiwo vachapa madzimai mukana wekunyatsonzwisisa kuti zvakakosha sei kuti vabvume kana kuramba kutambira bumbiro iri pareferendamu. Vakati havadi kuita zvakaitika apo vanhu vaikurudzirwa kusatsigira gwaro rebumbiro mureferendamu yemu 2000 pasina zvavaiziva zvaiva mugwaro iri.

Musangano uyu wakarongwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe senzira yekurangira kurwira kodzero kwakaitwa nevatema vekuAmerica vakaita sa Amai Rosa Parks avo vakaramba kudzvanyirirwa kwevatema vaisungirwa kusimukira vachena mumabhazi nemuzvitima.

Amai Rosa Parks nevamwe vatema vakaita samuchakabvu Martin Luther King Junior vakashandisa nzira dzisina mhirizhonga mukati mukurwira kodzero dzevanhu vose.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG