Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vofanobata Chigaro chaSachigaro weZEC


Makarau Rita
Makarau Rita
Mutongi wedare repamusoro soro reSupreme Court amai Rita Makarau avo vakafanobatawo chigaro chemukuru weJudiciary Services Commission ndivo vadomwa kutarisirwa kufanobata chigaro chakasiyiwa naVaSimpson Mutambanengwe chekuva sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission.

VaMutambanengwe vakasiya basa svondo rapera vachiti hutano hwavo hwainge husina kumira zvakanaka. VaMutambanengwe munhu airemekedzwa zvikuru uye vakashanda semutongi mumatare eZimbabwe neNamibia kwemakore akawanda.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaPatrick Chinamasa vatenda kuti Amai Makarau ndivo vachange vakabata chigaro chasachigaro weZEC kubva pavachadomwa zviri pamutemo kusvika munaZvita panopera nyaya dzesarudzo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaArthur Mutambara vakatenderana kuti Amai Makarau vambotora chigaro ichi pamusangano wavo weMuvhuro.

Gweta uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights VaJeremiah Bamu. vanoti vanoona amai Makarau vachiita basa nemazvo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG