Accessibility links

Breaking News

NCA Inoendesa VaMugabe, ZEC kuMatare


NCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamu
NCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamu
Magweta ari kumirira sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva, reNational Constitutional Assembly, NCA, aendesa magwaro echimbichimbi kudare repamusoro reHigh Court achida kuti rimanikidze hurumende kuti iwedzere nguva yakapiwa vanhu kuti vazeye pamwe nekuona gwaro idzva rebumbiro remitemo risati raenda kureferendamu.

Magweta ari kumirira sangano iri eMbidzo, Muchadehama and Makoni anoti asvitsa mapepa echimbichimbi aya kudare pamwe nekumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vakazivisa nezvezuva richaitwa referendamu, uye kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission (ZEC) iyo ichatungamira hurongwa hwesarudzo dzacho.

VaMugabe vakazvisa kuti referendamu ichaitwa musi wa 16 Kurume, izvo zviri kupa vanhu mwedzi mumwechete chete wekuti vaone nekunzwisisa zviri mugwaro iri, izvo zvinonzi nerimwe remagweta ari kumirira NCA, VaAndrew Makoni zviri kupikiswa neNCA.

Zvichakadaro, komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika, yeCOPAC, inonzi yapererwa nemagwaro ebumbiro remitemo azere, izvo zvaita kuti itange kudhinda magwaro ebumbiro idzva iri muchidimbu kana kuti summary.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora vanoti nekuda kwekudhura kuri kuita kudhinda gwaro rese rebumbiro rizere, vaona zvakakodzera kuti vachidhinda muchidimbu, vachiunganidza zvavanofunga kuti zvine basa zvingada kuverengwa neveruzhinji.

Gwaro rizere rebumbiro rine mapeji anoita zana nemakumi manomwe ane matatu, asi VaMwonzora vanoti gwaro duku iri richange riine mapeji angangosvika makumi maviri chete.

NeMuvhuro COPAC yakatumira zvikwata zvayo nemagwaro azere anoita zviuru makumi mapfumbamwe mumatunhu ose emunyika, ayo achaonekwa nevanoda kunzwa zviri mubumbiro idzva iri.

Magwaro aya anonzi achange achichengeterwa munzvimbo dzakaita sezvikoro, makiriniki nemahofisi avanamudzviti, uko veruzhinji vanokwanisa kunoaona. Magwaro arerutswa aya anonziwo ari kutarisirwa kubuda svondo rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG