Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Maonero Adzo Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva


VaMunyaradzi Gwisai
VaMunyaradzi Gwisai
Nyanzvi munyaya dzemitemo dziri kupesana zvikuru pamanyorerwo akaitwa gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, vamwe vachiti chikamu chinobata nyaya yeminda, hachina kunyorwa zvakanaka nekuti hachina kodzero dzevanhu vaishanda mumapurazi evachena akatorwa nehurumende achipihwa vanhu vatema.

Asi vamwewo vanoti bumbiro iri rine zvakanaka zvarakaita zvikuru pakuendesa masimba evhu kuvatema, sezvo richiisa ivhu mumaoko evatema.

Kunyange hazvo chikamu chegumi nenhanhatu chebumbiro rakanyorwa neCOPAC chichinzi chakanangana nekugadzirisa mhosho munyaya dzevhu dzakakonzerwa nehupambepfumi nechinangwa chekuti mwana wese weZimbabwe, awane cheuviri muzviwanikwa pamwe nevhu, mamwe mapoka akaita semadzishe akatotanga kare kuchema achiti bumbiro idzva iri harisi kuvapawo masimba ekugova ivhu.

Bato reZanu PF rakaedza kunyaradza madzishe aya richiti zvichemo zvavo pamwe nezvimwe, zvichagadziriswa kana sarudzo dzapfuura nehurumende inenge yavepo.

Mamwe masangano akaita sere International Socialist Organisation, ISO, neNational Constitutional Assembly, NCA, ari kushorawo bumbiro iri achiti harina kubva muvanhu sezvakanga zvakatarisrwa kwemakore ose adarika aya.

ISO inoti bumbiro iri riri kutarisa vebato rimwe chete vakakwanisa kutora minda yevachena, uye kuita kuti vachena vekunze ava varipirwe minda yavo yakatorwa, asi pasina zviri kuitirwa vana veZimbabwe vaishanda pamapurazi akatorwa pasi pechirongwa chekugova minda, avo vakasiiwa pachena.

Imwe nyaya inonzi nesangano iri haineyi neveruzhinji inyaya yekuumbwa kwekomisheni ichange ichiona nezveminda, yeLand Commission.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muISO, VaMunyaradzi Gwisai, vanoti masimba acharamba ari kumutungamiri wenyika pakudoma makomishina achapinda mukomisheni iyi, uye komisheni iyi ichange isina masimba asi kuti ichange iripo chete kuzadzisa zvinenge zvatarwa negurukota rezveminda.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC T, vanoti bumbiro iri rakanakira vana veZimbabwe zvikuru sezvo richange richivapa mukana wekuwana magwaro anovapa masimba paminda yavo.

Vanotiwo mutema akatorerwa purazi rake acharipwa mari yeminda pamwe nezvivakwa zvake, asi muchena wekunze akatorerwa purazi acharipwa chete mari yezvivakwa zvake.

Hurukuro naVaMunyaradzi Gwisai naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG