Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oferefetwa Mabatiro Aaari Kuita Masangano Akazvimirira


Dare remakurukota rinonzi rakapa neChipiri makurukota anoona nezvemukati menyika masimba ekuita basa rekuferefeta kushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa masangano akazvimirira nemapurisa, uye kushungurudzwa kwevanhu vari kunyoresa mazita avo kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Rimwe remakurukota anoona nezvemukati menyika, Amai Theresa Makone veMDC-T, vaudza vatori venhau muHararare neChitatu kuti vakapihwa basa iri mushure mekunge dare remakurukota razeya nyaya dzekushungurudzwa kwevemasangano anoshanda akazvimirira.

Vatiwo dare iri harisi kufara nekuvhiringwa kuri kuitwa vanhu vari kuenda kunonyoresa kuvhota vakati pamusangano weChipiri, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati mapurisa nemasabhuku haanei nevanhu vari kunoyoresa kuvhota uye anofanira kuvarega vachinyoresa kuitira kuti vagokwanisa kuvhota.

Amai Makone vati ongororo yavo ichatora svondo rimwe chete uye vanotarisira kuti mapurisa ese achawanikwa aine mhosva yekungosunga sunga nekushungurudzwa vanhu zvisina mwero acharangwa zvakaomarara pachishandiswa mutemo wemapurisa wePolice Act.

Mukati memasvondo mashoma apfuura, mapurisa ange ari kuenda kumahofisi emasangano anoshanda akazvimirira muHarare, Bulawayo nemamwe madhorobha achishungurudza nekusunga vemasangano aya achivapomera mhosva yekunyoresa vanhu kuti vavhote. Dzimwe nyaya idzi dziri mumatare edzimhosva.

Apo Amai Makone vange vari kuita musangano nevatapi venhau, mapurisa ange ari kurova nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise dzange dziri kufora dzichienda kudare reparamende dzichida kutura zvichemo zvadzo maererano nebumbiro iri kumutauriri wedare re House of Assembly, VaLovemore Moyo.

Amai Makone vashora kuita kwemapurisa uku vakati vachaongororawo zvaitika neChitatu.

Nhengo dzeWoza idzi dzarohwa zvakaipisisa dzikakandirwa hutsi hunokachidza dzikatadza kusvika kuparamende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG