Accessibility links

Breaking News

VaMutsekwa Voshora Mashoko aVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa
MDC-T nemamwe masangano akazvimirira oga vari kushora zvikuru mashoko egurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemashoko avo vakaratidza kuzvidza hurumende yemubatanidzwa vachiti vamwe muhurumende iyi vari kuda kuvandudza mashandiro emauto kuitira kuti azoshandiswa mukupidigura hurumende nechisimba vachishandiswa nevekunze.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vakataura mashoko aya neMuvhuro kuNational Defence College muHarare.

Asi munyori anoona nezvekudzivirirwa kwenyika muMDC-T, VaGiles Mutseyekwa, vashora zvikuru mashoko aVaMnangagwa vachiti haana maturo ose, uye anotaurwa nemunhu anoratidza kuti haaremekedzi mitemo yakaumba hurumende iripo.

VaMnangagwa vakatiwo mauto haafanire kumirira mari inobva kugurukota rezvemari, asi kuti anofanira kupinda mune zvemabhizimisi kuitira kuti azvimirire panyaya dzemari.

VaMnangagwa vakatiwo mauto anofanira kudzivirira zvavanoti zvido zvenyika uye kuona kuti zvavakarwira munguva yehondo hazvisi kudzorerwa kumashure.

Mashoko aya anonzi nedzmwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika anoratidza pachena kuti zveSouth Africa zvekuda kupa mauto eZimbabwe zvikopokopo zvehondo nezvimwe zvikwanisiro panguva ino hazvina maturo sezvo zvombo izvi zvichizogona kushandiswa nenzira isiri iyo.

Bumbiro remitemo riripo, uye idzva raturwa muparamende neChipiri neCOPAC, haatenderi mauto kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika. Asi bato reZanu-PF rinoti hapana chakaipa.

Zvinonzi vakuru vemauto nemapurisa vakawanda vari kutsvaga rutsigiro rwekumirira Zanu-PF musarudzo gore rino.

Izvi zvave kupa kuti vamwe vatyire kuti munyika munogona kuita mhirizhonga seyakaitika muna 2008 kana vemauto nemapurisa vakaramba vachipindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti nyaya yekuda kuvandudza mashandiro emauto haisi kuzotambirwa nebato ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti VaMnagangwa havafanire kutaura zvisiri pamutemo.





Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG