Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yokweshana neBotswana neChitatu


Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chadzoka mukamba umo chiri kugadzirira mutambo wacho wekuedzana simba nechikwata cheBotswana pamutambo uchatambwa nemusi weChitatu.

Chikwata ichi change chisingatambe kwemwedzi mitatu zvichitevera kukundikana kweZimbabwe kubudirira kuenda kuma 2013 Africa Cup of Nations ari kuitirwa ku South Africa.

Vatambi gumi nevapfumbamwe, avo vanosanganisira Khama Billiart weAjax Cape Town, vari kugadzirira mutambo we Zimbabwe neBotswana, vari pasi pemurairidzi mutsva, Klause Dieter Pagels, uyo akapihwa basa iri kusvika makundano e 2014 World Cup apera.

Maneja we Zimbabwe Warriors, VaShariff Mussa, vanoti vari kutarisira Knowledge Musona, uyo anotambira kuGerman, pamwe naArchieford Gutu, uyo anotambira Kalamr yekuSweden, kusvika neMuvhuro manheru kuitira kuti vave nechikwata chakazara.

Asi VaMussa vanoti Roderick Mutuma, uyo achangopihwa basa neBloemfontein Celtic, haasi kuzotamba pamutambo uyu.

VaMussa vanoti Quincy Antipas, uyo anotambira Brondby yekuDenmark, haasi zvekare kunge ari mumutambo uyu sezvo akakuvara.

Kunze kwaMutuma naAntipas, VaMussa vanoti havana mutambi akakuvara.

Asi VaMussa vanoti havasi kufara nenguva yavapihwa yekugadzirira mutambo wavo neBotswana, vachiti vatambi vanofanirwa kunge vari vese kwenguva yakati rebei.

Zvisineyi hazvo kuti havana kupihwa nguva inokodzeraye kuti vagadzirire mutambo uyu, VaMussa vanoti veruzhinji vanofanira kuuya vakawanda kuzoona nekukuza chikwata chavo vachivimbisa ivo kuti vachavapa mutambo unofadza.

Zimbabwe iri kushandisa mutambo uyu kugazdirira mutambo wayo we2014 World Cup uyo vachatamba neEgypt muna Kurume.

Chikwata chenyika chiri pachinhanho chechitatu mugungano rezvikwata zvina munzira yekuenda kuBrazil. Zimbabwe ine poindi imwe chete, vachisiiwa neEgypt iri kutungamira nemapoinzi mashanu.

Guinea ndiyo iri pachinzvimbo chechipiri nemapoinzi matatu. Mozambique ndiyo iri pasi pasi nepoindi imwe chete iyo yayakawana payakatamba nezimbabwe.

Mutambo neBotswana uri kutambwa musi wakatarwa neFifa kuitwa mitambo yehushamwari zvekuti unobatsira Zimbabwe kukwira muma World Rankings kana ikakunda.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG