Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vopesana Pane Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva


Kunyange hazvo komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika iri kuti yave kutarisira kurisvitsa kudare reparamende mukugadzirira rwendo rwaro kuenda kureferendamu, masangano evechidiki anoti ane maonero akasiyanasiyana panyaya yekodzero dzavo mugwaro iri.

Chikamu chechipiri mumupanda wechimakumi maviri chegwaro idzva iri chinoti hurumende nemapazi ayo ose zvinofanirwa kutora matanho akakodzera, kusanganisira zvirongwa zvekusimudzira vechidiki, uye kuti vawane dzidzo pamwe nemikana mune zvakawanda zvinosanganisira zvematongerwo enyika, zveupfumi nezvimwe zvakadaro muupenyu.

Mukuru wesangano revechidiki reYouth in Democracy Initiative of Zimbabwe (YIDEZ), VaSydney Chisi, vanoti mazwi evechidiki vakawanda haana kunzwikwa sezvo vazhinji vavo vasina kukwanisa kupihwa mukana wekutaura munguva yekunzwa pfungwa dzevanhu.

VaChisi vanotiwo zvikamu zvitanhatu kubva muzana zvevechidiki ndizvo chete zvakakwanisa kupa pfungwa dzavo panguva yekunzwa pfungwa dzevanhu, zvichienzaniswa nemadzimai avanoti akabuda akawanda achinopa pfungwa dzawo.

Asi sachigaro wevechidiki muZanu mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, vanoti vari kutambira gwaro iri sezvariri, sezvo vechidiki vakatotanga nechekare kuwana mikana, zvikuru munyaya yekuendeswa kwehufumi kuvatema.

VaKunaka vanoti vechidiki vebato ravo vachakurudzira veruzhinji kuti vatambire gwaro iri parefendamu, vachiti kana pane zvishoma zvavanopokana nazvo, zvinozogadziriswa kuburikidzwa nekuvandudza bumbiro rinenge ravepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG