Accessibility links

Breaking News

Varume Vana Vanofa Vachichera Goridhe kuPenhalonga


Varume vana vanoita basa rekukorokoza vachichera goridhe munzvimbo yeTsvingwe, kuPenhalonga vakafa neChina manheru mushure mekunge nzvimbo yavaichera goridhe, yawondomoka.

Mumwe wevarume ava akakuvara zvakaipisisa uye ari kurapwa pachipatara cheMutare Provincial Hospital.

Vakashaya mutsaona iyi ndiVa Wellington Chapeta, avo vange vave nemakore makumi maviri nemasere, VaMoses Chikwara, avo vange vava nemakore makumi maviri nematanhatu, VaVirimai Tembo, nemumwe angonzi Joshua. Hama dzevafi dzakaziviswa nezvarufu urwu.

Mugodhi wakadhirika uyu unonzi wanga wakadzika mamita anoda kusvika makumi maviri. Pawakadhirika, vanhu ava vakabva vadzvanyirirwa nemavhu, izvo zvakaita kuti vafe, kusara kwemunhu mumwe chete, uyo akakurumidza kubatsirwa.

VaChapeta vasiya vana vatatu nemudzimai, ukuwo VaChikwara vasiyawo vana vaviri nemudzimai, VaTembo vasiyawo mudzimai nevana vaviri. Asi hapana zvakawanda zvinozivikanwa nezva Joshua. Vakakuvara pachiitiko ichi vanonzi ndi VaJoseph Makoni, avo vari kurapwa muchipatara.

Munin’ina wemufi, Chapota, VaWellington Chapota, vanoti ivo vakapona nekuti vakange vasiri mumugodhi uyu.

Mumwe muvakidzani akange ari panzvimbo iyi, VaJeolousy Chipoka, vanoti njodzi iyi yakaitika vasingafungiri kuti zvakadai zvinogona kuitika. VaChipoka vanoti hapana hurongwa hwati hwavapo maererano nekuvigwa kwevanhu ava.

Asi VaChipoka vanoti pari zvino mhuri dzakawirwa nenjodzi iyi dzakatarisana nedambudziko rekushaya mari yekushandisa pakutenga zvakasiyana-siyana zvinodiwa pakuvigwa kwevanhu ava.

Muramu waVaChapeta, Amai Magaret Kandelo, vanoti vari kurwadziwa zvikuru sezvo sisi vavo vasara nemhuri pasisina anoiriritira.

Amai Debra Kandelo, mumwe muramu weVaChapeta, vanotiwo rufu rwemhando urwu rwaikwanisa kudzivirirwa dai vanhu ava vaiva nemabasa ane pundutso. Vati hurumende inofanirwa kuona kuti yagadzirisa zvehupfumi kuitira kuti vanhu vawane mabasa.

Mumiriri weMutasa South mudare reparamende, VaMisheck Kagurabadza, vanoti zvaitika izvi zvinosuwisa zvikuru sezvo vashaya ava vange vachiedza kuriritira mhuri dzavo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vanoti havasati vava nezvizere maererano nezvakaitika kuTsvingwe kunyange vati vakanzwa nezvechiitiko ichi.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG