WASHINGTON —
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yakavhara neChina kutora mazita evanhu vanoda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzevamiriri vedare reparamende, maseneta uye makanzura mumatunhu ose emunyika.
Bato iri rinoti vanhu vanodarika zviuru zvishanu vakakanda nguwani mudariro vachiti vanoda kukwikwidza musarudzo.
VeMDC inotungamirwa naVaWeshman Ncube avnoti vachiri kutambira mazita evanhu vachakwikwidza mubato iri.
Zanu-PF inoti haisati yatanga kunyange hazvo yakambovimbisa kuti ichaita izvi mwedzi uno.
Munyori anoronga mabasa emisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vanhu vanodarika zviuru zvishanu vakati vanoda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri.