Accessibility links

Breaking News

COPAC Inotambira Zviri Pamutemo Gwaro reBumbiro Idzva, Vamwe Vachinyunyuta


Nhengo dzose makumi maviri neshanu dzekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, dzasangana muHarare dzikatambira zviri pamutemo gwaro rebumbiro idzva pamwe negwaro rezvakaitika kubva pakatanga chirongwa ichi, reNational Report, zvisati zvaendeswa kuparamende.

Izvi zvinotevera kupirwa kwegwaro iri kukomiti iyi nemasachigaro eCOPAC ari matatu anoti VaDouglas Mwonzora veMDC T, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, pamwe naVaEdward Mkhosi veMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube.

Asi vamwe kusanganisira sanganao reNational Constitutional Assembly, NCA, vanoti kunyange hazvo COPAC yatambira gwaro iri zviri pamutemo, uye paramende ichitarisirwa kuritambira zvakare, hapana zvakamboshandurwa zvikuru panyaya yemasimba emutungamiri wenyika nedare remakurukota, kana zvichienzaniswa nebumbiro riripo pari zvino, sezvo mutungamiri wenyika.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti zvimwe zvisina kushandurwa inyaya yekuramba nyika iine vatevedzeri vemutungamiri wenyika vaviri sezviripo pari zvino, uye kusatarwa kwehuwandu hwemakurukota anoumba dare remakurukota.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti mabumbiro maviri aya akasiyana zvikuru sezvo bumbiro idzva iri richipa mukana wekuti mashandiro emutungamiri wenyika atarisiswe neparamende, uye haakwanisi kuita zvimwe zvinhu asina kuwirirana nedare remakurukota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG