WASHINGTON —
Mutongi gava panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakatuma nhumwa dzavo kuZimbabwe neChipiri kuti dzinosimbisa nyaya yekuti misariridzwa pagwara resarudzo ipedziswe pasati paitwa sarudzo
SADC iri kutumirawo vaongororori vayo kubva munyika dziri muSADC Troika kuti dzishande neboka reJoint Operation, Monitoring and Implementation Committe mukuona kuti munyika hamuna mhirizhonga.
Mumwe mumiriri weMDC-T munhaurirano, VaElton Mangoma, vanoti vakavimbisa nhumwa dzaVaZuma kuti panopera referendamu vanenge vogadzirira zvakasimba kuita sarudzo.
Nhumwa dzaVaZuma dzinonzi dzakavimbisa kuti dzinenge dzouya munyika mazuva akawanda kuitira kuti dzione kuti zvose zvinodiwa kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa, zvazadzikiswa.