Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo John Makumbe Voradzikwa kuBuhera neChitatu


Muzvinafundo John Makumbe
Muzvinafundo John Makumbe
Vakuru vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika kubva kumapato akasiyanya siyana, vakuru vemachechi nevemasangano akazvimirira vanopfuura chiuru vaungana kuChadchomb vachionekana naMuzvinafundo John Makumbe, avo vakashaya nemusi weSvondo muHarare.

Vange varipo vanosanganisira makurukota kubva kuMDC-T, VaTendai Biti naVaNelson Chamisa, mutungamiri weMavambo, VaSimba Makoni, nhengo yeZanu-PF Politiburo, Amai Abigail Damasani, sachigaro weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, uye vaimbova muridzi webepanhau reMirror, VaIbbo Mandaza.

VaJohn Mudiwa Washe Makumbe vakaberekwa munaChivabvu 6 1949 kuBuhera. Vashaya vave nemakore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa uye vakaberekwa vari musope.

Muna 1996 VaMakumbe vakavamba sangano reZimbabwe Albino Association rinobatsira vanhu vanorarama nehusope.

Muzvinafundo aizivikanwa nekupikisa humbimbindoga hweZanu-PF kwemakore akawanda. VaMakumbe vakamborohwa nekusungwa nemapurisa mun 2003 vachiratidzira pamwe nevamwe vemacheci nevemasangano akazvimirira.

Vakamboita sachigaro weTransparency International Zimbabwe uye vakavawo vamwe vevakavamba sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition uye reNational Constitutional Assembly. VaMakumbe vakadzidza muZimbabwe, kuBotswana, Birmingham neTasmania uye vakadzidzisa kwemakore akawanda paUniversity of Zimbabwe.

Gore rapera, VaMakumbe vakazivisa kuti vaimbenge vosendeka parutivi nyaya dzekudzidzisa vachipinda munyaya dzezvematongerwo enyika vachikwikwidza vakamirira MDC-T kuBuhera West, sezvo mumiriri wenzvimbo iyi, uye vari gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vakati vava kusiya basa rekuita zvematongerwo enyika nguva dzose.

Vaviri ava vange vachishanda vose zvakanaka. Mutauriri wemhuri yekwaMakumbe, VaFidelis Kagura, vanoti VaMakumbe vacharadzikwa kuBuhera neChitatu.
XS
SM
MD
LG