Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Votarisirwa Kutaura Svondo Rinouya Pachaitwa Referendamu


Nzendo dzekunze kwenyika dziri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende wenyika, VaMorgan Tsvangirai, dzava kupa kuti nyaya yekukurukura zuva rekuita referendamu yange ichitarisirwa svondo rino, imbosendekwa.

VaTsvangirai vari kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos Switezerland, ukuwo VaMugabe vari kutarisirwa kuenda kumusangano weAfrican Union summit kuAddis Ababa kuEthiopia mukupera kwesvondo.

Vatungamiri ava vave kutarisirwa kusangana svondo rinouya kuitira kuti vataura nyaya yezuva richaitwa referendamu. Vatungamiri vari muhurumende yemubatanidzwa vange vachitarisirwa kusangana neChina kuti vataure nezvezuva rereferendamu asi izvi zvakona n’anga murapwa achida.

Asi vachitaura nevatori venhau veBloomberg, VaTsvangirai vanoti referendamu ichaitwa muna Kurume, sarudzo dzozotevera. Vanotiwo kuenda kureferendamu kungozadzikisa chirevo sezvo vanhu munyika vakatenderana zviri mugwaro rebumbiro idzva, kuburikidza nemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chemutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, kanawo mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba kuti tinzwe musi chaiwo uchasangana vakuru ava.

Asi nyaya yavo yekuti vanhu vachangotambira bumbiro riri kubva kuCOPAC yashorwa zvikuru nasachigaro weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, avo vanoti vanhu havatambire zviri kubikwa neCOPAC.
XS
SM
MD
LG