Accessibility links

Breaking News

Mapato Orangarira Mabasa Ayiitwa naVaNkomo


VaJohn Landa Nkomo
VaJohn Landa Nkomo
Mapato ari muhurumende yemubatanidzwa anoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwevanga vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaJohn Landa Nkomo, avo vashaya masikati eChina muHarare.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaNkomo munhu anga akazvininipisa, achikwanisa kushanda nevanhu vose, zvisineyi nechinzvimbo chavo mubato kana muhurumende.

Mashoko aVaGumbo aya atsinhirwawo nemutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, avo vanoti VaNkomo vanga vakasiyana zvikuru nevamwe vanozviti vakarwa hondo yerusununguko, avo vavati vari kuswera vachionesa vamwe vana veZimbabwe chitsvuku.

VaPaul Themba Nyathi vebato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vaudzawo Studio7 kuti vakashanda zvakanaka chose naVaNkomo kubva munguva yehondo, kunyange hazvo vakazosiyana maonero mune zvematongerwo enyika mumashure.

VaGumbo vanoti Politiburo yebato ravo reZanu PF, iri kusangana neChishanu kuti izeye nezveruremekedzo rwungapiwa kuna VaNkomo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG