Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemha Mari yeSarudzo


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vaudza gurukota rezvemari, VaTendai Biti, negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, kuti vaende kumasangano ekunze nenyika dzekunze kuti vatsvage mari yekuitisa referendamu nesarudzo

Hurumende iri kuda mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi mapfumbamwe emadhora.

Sarudzo idzi dziri kutarisirwa kuitwa gore rino kunyange Zimbabwe iri kuti haina mari.

Asi nyaya yekutsvaga mari kunze kwenyika inenge ichaunza kunetsana kwakanyanya muZanu-PF. Sachigaro weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, nemutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vakatotaura kare kuti havadi kuti vekunze vapindire munyaya yesarudzo dzenyika zvikuru nyika dzakaita seBritain dzavanoti dzakatemera Zimbabwe zvirango.

Asi Zimbabwe iri kutadza kuunganidza mari yekuita sarudzo zvakapa kuti itombomisa chirongwa chekuwedzera nzvimbo dzekuti vanhu vanonyorese kuvhota nekutarisa mazita avo kana kuti "mobile voter registration and verification" chaifanira kutanga musi wa 3 Ndira.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kuita musangano neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, neChina kuti vazeye nyaya yekushaikwa kwemari yesarudzo iyi.

VaBiti vanoti zvinenge zvakanaka kuti vashandise mari yezviwanikwa kuti vaite sarudzo asi izvi zvakona n'anga murapwa achida.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Zimbabwe haifanire kupemha mari yesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG