Accessibility links

Breaking News

Mari yeReferendamu neSarudzo Yosimudza Mutauro muHurumende yeMubatanidzwa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vadaidzira musangano wechimbi chimbi neChina wekuita nenhengo dzeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pamwe nemakurukota anoti rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, kuti vazeye nyaya yekuti ZEC yowana sei mari yekuti itange basa rayo.

Izvi zvinotevera kukandirana nyoka mhenyu pakati pemapato ezvematongerwo enyika muhurumende yemubatanidzwa panyaya yemari yekutanga chirongwa che ZEC chekuwedzera nzvimbo dzekunonyoresa vanhu kuitira kuti vazovhota uye kuti vanhu vange vachinoona gwaro rrine mazita evavhoti.

Chirongwa ichi change chichifanira kutanga musi wa 3 Ndira chichipera muna Kubvumbi. Asi nenyaya yekuti ZEC haina kuwana mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora, chirongwa ichi hachisati chatanga izvo zvapa kuti VaTsvangirai varonge musangano weChina.

VaBiti vanoti vachapa ZEC miriyoni imwe chete yemadhora svondo rino kuitira kuti itange basa rayo regadziriro yereferendamu. Ukuwo VaChinamasa vanoti VaTsvangirai vange vavimbisa kuti vachabatsira kuti ZEC iwane mari asi vakakundikana.

VaTsvangirai nekowo vanotiwo ZEC yakatadza kuuya nebhajeti rayo nenguva uye chavo kungobatsira kwete kuti ndivo vanosungirwa kuita basa iri.

Mutevedzeri wasachigaro we ZEC, Amai Joice Kazembe, vanoti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo vanga vakabatikana neChipiri.

Vakafanobata chigaro chemutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, vanoti VaTsvangirai vakanonoka kupihwa bhajeti neZEC uye vari kungobatsirawo kwete kuti ibasa ravo.

Mukuru weElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti ZEC inofanira kushanda yakazvimirira.

Hurukuro naVaWilliam Bango
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG