Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yokwenenzvera Gadziriro yeSarudzo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vakuru vebato ravo vari kutora mukana wezororo kuti vafambire mberi negadziriro yesarudzo dzenyika dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Sarudzo idzi dzinenge dzounza kumagumo hurumende yemubatanidzwa yakauya mushure mekudeuka kweropa musarudzo dza 2008.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanovazve mutungamiri weZanu-PF, svondo rapera vakasimuka munyika nemhuri yavo vakananga kumabudazuva kuzororo.

Sechave chigariro, kana VaMugabe vasipo, hapana basa rehurumende rakawanda rinoitwa nedare remakurukota.

Asi VaTsvangirai vanoti vari kugura zororo ravo panzira kuitira kuti varambe vachishanda.

Vamwe vakuru muZanu-PF vanoti vachamirira kudzoka kwaVaMugabe kuti vatange kugadzirisa nyaya yekuti ndiyani achamirira bato musarudzo sezvo paine kunetsana kwakanyanya.

Izvi zvapa kuti bato rirambe richiendesa mberi kupedzisa gwaro rekuti ndiyani achakwikwidza akarimirira.

Musarudzo dzapfuura, bato iri rakazoguma roita nhengo dzakawanda dzichikwikwidzana musarudzo nenyaya yekunetsana.

Asi munyori anoronga misangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vatopedza kusarudza zvikwata zvevanhu zvinenge zvichitungamira kusarudzwa kwevachamiririra bato.

Zvichakadaro, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC inotungamirwa naVaWeshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanoti vari kutarisira kudoma vachavamirira musarudzo muna kukadzi sezvo ikozvino vari kuumba bato uye kugadzirira sarudzo yereferendamu nekunyorwa kwebumbiro idzva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG