Accessibility links

Breaking News

Varimi Vonetsana neKambani yeNzimbe kuChisumbanje


Vamwe vagari vekuChinyamukwakwa kuChisumbanje mudunhu reManicaland vanosvika makumi mana vanonzi vambochengetedzwa nemapurisa kwemaawa angada kusvika mana mushure mekunge vanetsana nekambani iri kugadzira mafuta edzimotokari kubva munzimbe mudunhu iri, yeMacdom and Green Fuel.

Zvinonzi vanhu ava vanetsana nekambani iyi pamusoro peminda inonzi yanga ichirimwa nevagari ava, kambani ichiti vanhu ava vari kurima muminda yayo zviri kunze kwemitemo.

Mapurisa anonzi ashevedzwa nekambani iyi mushure mekunge vagari vamukira kuminda iyi zvichitevera kupera kwezororo reKisimusi.

Vagari ava vanoti vakapiwa mvumo yekurima minda iyi nekomiti yehurumende iri kutungamirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, zvichitevera makakatanwa akanga avepo achikonzerwa nenyaya yeminda iyi.

Mumwe mugari wekuChisumbanje uye vari nhengo yekomiti yakaumbwa kuti ione nezvekugarisana pakati pekambani nevagari, uye variwo mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vagari vakawanda vaungana pakamba yemapurisa vachida kuti vamwe vavo varegerwe.

Vatiwo komiti yavo yafonerawo VaMutambara, izvo zvazoita kuti mapurisa aregere vanhu ava vasina mhosva yavapomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG