Accessibility links

Breaking News

Mabhizinesi Okurudzira Runyararo Pachaitwa Sarudzo Gore Rinouya


binha
binha
Vatungamiri vemabhizimisi munyika vanoti vari kuzoyedza kuti vataure nevezvematongerwo enyika kuti vaone kuti zvinhu zvagadzikana munyika pasati paitwa referendamu nesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Sarudzo dzemuZimbabwe mumakore apfuura dzange dziine mhirizhonga yakanyanya zvakapa kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vabude musarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika muna 2008.Izvi zvakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.

Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti kusawirirana panyaya yegwara rakajeka rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa ndizvo zvakapa kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka munyaya yezvemabhizimisi munyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi dzinotiwo mitemo yakaita seyekuendesa hupfumi kuvatema iri kukanganisawo zvinhu zvopa kuti nyika irambe ichitatarika munyaya dzezvehupfumi.

Mukutanga kwegore, gurukota rezvemari, VaTenda Biti, vainge vati hupfumi hwaigona kukwira nezvikamu mapfumbamwe kubva muzana, asi hukazokura nezvikamu zvina chete kubva muzana.

Zimbabwe iri kupedza gore iine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi nerimwe emadhora chekunze. Izvi zviri kupa kuti Zimbabwe itadze kukwereta kumabhanga anokweretesa pasi rose.

Maindasitiri anonziwo ari kushanda ari pazvikamu makumi mana kubva muzana, kubva pamakumi mashanu nemanomwe kubva muzana gore rapera. Zimbabwe ichakanaka, maindasitiri aya aishanda ari muzvikamu zana kubva muzana, asi izvi zvakazoviringwa nezvirongwa zveZanu PF, pamwe nekutadza kutonga kwebato iri uko kwakasiyana makambani mazvinji avhara.

Mutungamiri weZNCC, VaOswell Binha, vanoti vemabhizimisi vanoda kuti vematongerwo enyika vaite zvinhu murunyararo kuitira munyika mugadzikane, uye vanokwanisa kusima mari dzavo munyika, voita izvi pasina mitemo inovambunyikidza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG