Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ine Mari yeSarudzo neReferendamu


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Hurumende inoti ichatanga kunyoresa vanhu vachavhota musarudzo dzinotevera muna Ndira sezvo yave kutanga gadziriro dzereferendamu nesarudzo idzi.

Izvi zvabuda mumusangano waitwa neMutungamiri weHurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemakurukota anoti rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, rebumbiro remitemo nemabasa aparamende, VaEric Matinenga, pamwe nemakomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano uyu, VaChinamasa vati musangano uyu wabvumirana kuti pachatangwa chirongwa chekunyoresa vavhoti, mari yekuita zvimwe ichitsvagwa.

Mutevedzeri waVaChinamasa, VaObert Gutu, vati kunyange hazvo hurumende ichiti haina mari, VaTsvangirai vaudza musangano uyu kuti hurumende ichatsvaga mari zhinji inodiwa kuti zvirongwa zviviri izvi zviitwe.

VaGutu vati VaTsvangirai vachakwidza zvabuda mumusangano uyu kumusangano wevakuru vehurumende yemubatanidzwa neMuvhuro uye mushure mezvo VaChinamasa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachasangana kuti vaone kuti voronga sei nyaya dzemari dzesarudzo nereferendamu.

VaBiti vange vakatarisirwa kupinda mumusangano uyu asi vapa chikumbiro chekuti vange vakabatikana.

Zvichakadai, mutevedzeri wasachigaro weZEC, Amai Joice Kazembe, vazivisa kuti ZEC yaderedza mabhajeti ayo ereferendamu nesarudzo.

Bhajeti rereferendamu raderedzwa kusvika pamadhora mamiriyoni makumi masere nemashanu kubva pamamiriyoni zana nemashanu emadhora, ukuwo bhajeti resarudzo raderedzwa kubva pamamiriyoni zana negumi nemashanu kusvika pamamiriyoni zana nemanomwe.

Amai Kazembe vati zvimwe zvakakonzera kuderedzwa kwemabhajeti aya zvinosanganisira kurega kunyoreswa kwevanhu kuti vavhote mureferendamu pamwe nekusadimburwa kwemiganhu yematunhu (constituencies) musarudzo kana kuti delimitation.

Kunyange hazvo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti sarudzo dzichaitwa muna Kurume gore rinouya, VaChinamasa vati mazuva esarudzo nereferendamu achaziviswa chete kana kunyorwa kwebumbiro idzva kwapera.

Pari zvino pane makakatanwa pakunyorwa kwebumbiro remitemo pamapato ari muhurumende uye chikwata chemakurukota ehurumende chakadomwa kuti chigadzirise makakatanwa aya, chiri kutadza kuwirirana pane zviri kunetsa pambubiro rakanyorwa nekomiti yeparamende, yeCOPAC, pamwe nezvisungo zvakabuda mumusangano weSecond All Stakeholders Conference.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG