Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMhirizhonga Inonzi Yotanga Zvakare Kunetsa


Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalitiion raburitsa neChishanu gwaro remamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.

Gwaro iri rinoti zvinhu munyika panyaya dzezvematongerwo enyika zviri kuramba zvichiipa apo nyika yatarisana nereferendamu yebumbiro idzva remitemo pamwe nesarudzo gore rinouya.

Gwaro iri rinonzi Zimbabwe Transition Barometer rinoti nyaya yekusavandudza mabasa emapurisa uye mauto ndiyo yapa kuti vasaite basa nemazvo voguma voita bhande nebhurugwa nebato reZanu-PF.

Masangano akazvimirira oga pamwe nevebato reMDC vanoti vave kuoneswa chamutavanhava nemapurisa uye mauto munzvimbo dzakawanda munyika.

NeChina, mapurisa akasecha mahofisi eZimRights akasunga nhengo yesangano iri.

NeMugovera nhengo dze Zimbabwe Elections Support Network dzinopfuura makumi maviri nepfumbamwe dzakambochengetedzwa nemapurisa.

Vamwe vakashungurudzwa vanosanganisira nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise, (WOZA) pamwe nesangano re Counselling Services Unit.

MDC inoti nzvimbo dzakawanda dzaberekera ingwe nekuda kwemapurisa, mauto, vasori nevatsigiri veZanu-PF vave kuvapfuvisa.

Mukupera kwaMbudzi, nhengo dzeMDC gumi nembiri dzakakuvadzwa mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti mauto.

MDC yakadziviswa neChitatu kuita musangano ku Uzumba nevechidiki veZanu-PF.

Masangano anoti reR.F.Kenedy Centre for Human Rights mu America, pamwe ne ZINASU ari kushora zvikuru maitiro emapurisa.

R.F.Kennedy Centre inoti muZimbabwe munofanira kupinda vaongorori nechimbi chimbi sarudzo dzisati dzaitwa.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti mapurisa ari kutora divi zvopa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG