Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Zvakare Nyaya yaVaKunonga


Nolbert Kunonga
Nolbert Kunonga
Dare repamusoro rarasa neMuvhuro nyaya yaVaNolbert Kunonga, kubudikidza nechechi yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe, chekuti vasabviswe paAnglican Cathedral.

Mumutongo wavo, mukuru wevatongi vedare repamusoro, Va George Chiweshe, vati boka raBishop Chad Gandiya ndiro rine kodzero yekuve muzvivakwa zveAnglican.

VaChiweshe vati VaKunonga havaifanira kutonzwikwa nedare repamusoro zvachose vachiti dare repamusorosoro rakanga ratura mutongo waro kare wekuti VaKunonga havakodzere kuti vatore zvivakwa zvechechi iyi.

VaChiweshe vati dare repamusoro harikwanisi kuchinja zvinenge zvaturwa nedare repamusorosoro, nokudaro vati VaKunonga havaifanira kuunza nyaya iyi kudare repamusoro.

VaKunonga vanga vachida kuti VaGandiya nevamwe vavo vasashandisa Anglican Cathedral iri muHarare pamwe nemahofisi echechi iyi ari pa Paget House muna Nelson Mandela pamwe nemamwe ari muna Central Avenue muHarare kusvikira nyaya iyi yapera kutongwa.

VaChiweshe vati VaKunonga vanofanira zvakare kubhadhara magweta aBishop Gandiya.

VaKunonga vakabuda muchechi yeAnglican makore mashanu adarika mushure mekunge vakatanurwa nyembe vakanovamba chechi yavo yavanga vava kudaidza kuti Anglican Church of the Province of Zimbabwe. VaKunonga vanoti havawirirane nechingochani chavanoti chiri kutsigirwa neChurch of the Province of Central Africa. Asi chechi iyi iri kuramba zviri kutaurwa naVaKunonga.

Zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa nezvikonzi masvondo maviri adarika, VaKunonga vanonzi vakakonzeresa mhirizhonga pa Cathedral yakakonzera kuti pasungwe vanhu vatanhatu vachipomerwa mhosva yekurova vachengetedzi vakanga vaiswa pachechi iyi nezvikonzi.

Kuraswa kwaitwa nyaya yaVaKunonga nedare kunoreva kuti VaGandiya nevamwe vavo ndivo chete vane mvumo yekushandisa zvivakwa zveAnglican.

Hatina kukwanisa kutaura naVaKunonga kana gweta ravo panyaya iyi, VaJonathan Samukange, kuti tinzwe kuti danho ravachatora nderipi zvichitevera kuraswa kwaitwa nyaya yavo.

Zvichakadai, VaGandiya vanoti vari mubishi rekuita ongororo yekuti midziyo iri mumachechi avo neisimo ndeipi muchechi dzavo dzose munyika dzakanga dzapambwa naVaKunonga kuti vagoona matanho ekutora kana pane zvisipo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG