Accessibility links

Breaking News

Magweta eKodzero dzeVanhu Anoratidzira muHarare


Magweta anodarika zana aratidzira muHarare neChitatu achiti haasi kufara nemabatirwo aari kuitwa nehurumende panguva yaanenge achiita basa rawo.

Magweta aya aungana muHarare Gardens ndokutanga kuratidzira akananga kudare reparamende kwaasiya gwaro renhuna dzavo.

Kubva paparamende, magweta aya aenda zvakare negwaro ravo renyunyuto kudare repamusorosoro, kumahofisi egweta guru rehurumende, kumahofisi egurukota rezvebazi remitemo, ndokuzopedzisira nekudare repamusoro.

Magweta aya asiyawo magwaro enyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, kana kuti ZLHR, Amai Precious Chakasikwa, vati magweta haasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurumende panguva yavanenge vachiita basa ravo.

Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wemunyori musangano re Law Society of Zimbabwe, Va Wilbert Mandinde.

VaMandinde vati vave kutyira kuti magweta achashungurudzwa zvakanyanya munguva yesarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinouya uye vakurudzira hurumende kuti iwone zvaingaite.

Mutungamiri weZLHR, Muzvare Irene Petras, vatiwo chinovarwadza ndechekuti hapana matanho ari kutorwa nehurumende kana vachinge vaenda nezvichemo kwairi.

Kuratidzirwa kwaitwa nemagweta aya, kuchitungamirwa nesangano reZLHR, kwanga kwakanangana nezuva rekucherechedza kodzero dzevanhu pasi rose iro richacherechedza neMuvhuro.

Magweta aya anoti hurumende inofanira kucherechedzawo mitemo yekunze inoona nezvekuchengetedzwa kwemagweta pamwe nemashandiro awo kuitira kuti magweta emunyika awanikwe achishanda akasununguka.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG