Accessibility links

Breaking News

VaKunonga Vanobviswa neChisimba neZvikonzi


Zvikonzi zvematare edzimhosva zvabvisa nechisimba mutungamiri weAnglican Church of the Province of Zimbabwe, VaNolbert Kunonga, paCathedral Church muHarare.

VaKunonga, avo vanga vachiedza kurambidza zvikonzi kubvisa zvinhu muchechi iyi, vatyisidzira zvikonzi nevatori venhau vachiti vanogona kuvapfura.

Midziyo yabviswa iyi yatakurwa nanamuzvihofisi vekwa Deputy Sheriff, asi havana kuzokwanisa kupedza kuitakura yose sezvo vachinzi vakanganiswa naVaKunonga.

Vana muzvinahofisi ava vabva vasiya vaisa vachengetedzi vekambani ye Metro Security kuti vachengetedze chichi iyi.

Ave masikati Va Kunonga, avo vaswera vari pachechi iyi panga pachibviswa zvinhu izvi vazoenda kunotora vanhu avo vanzi vabva kuMbare vasvikobvisa zvechisimba vachengetedzi vanga vave kuchengeta chechi iyi.

Mumwe wevafundisi vari kutsigira Bishop Chad Gandiya, mukuru we Anglican muHarare, Pastor Gift Makwasha veku Avondale Parish, vati vachengetedzi vanga vari pachechi varohwa nevanhu vaunzwa naVaKunonga.

Zvichakadai, dare repamusoro rati richanzwa nyaya yakwidza naVaKunonga kudare iri svondo rinouya.

VaKunonga vakaenda kudare repamusoro vachiti havafanire kubviswa pachechi ye Anglican Cathedral kunyange hazvo dare pamusorosoro rakatura mutongo svondo rapera wekuti vabviswe pachechi iyi sezvo vakange vabuda muchechi iyi kare ndokuvamba chechi yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe.
XS
SM
MD
LG